< Joshua 22 >
1 Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase
Then Joshua summoned the tribes of Reuben, Gad, and the half-tribe of Manasseh.
2 akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai.
He told them, “You have done everything that Moses, the servant of the Lord, told you to do, and you have followed all the commands I gave you.
3 Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.
You have never abandoned your brothers all this time, right up to the present day. You have carefully followed what the Lord your God ordered you to do.
4 Zvino Jehovha Mwari wenyu zvaakazorodza hama dzenyu sezvaakavimbisa, imi chidzokerai kumisha yenyu munyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kweJorodhani.
Now that the Lord your God has given peace to your brothers, as he promised, go back home to your land that Moses, the servant of the Lord, gave you on the other side of the Jordan.
5 Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”
But make sure you keep the commandments and the law as Moses instructed you. Love the Lord your God, follow all his ways, keep his commandments, stay close to him, and serve him with your whole being.”
6 Ipapo Joshua akavaropafadza akati vaende havo, ivo vakaenda kumisha yavo.
Joshua blessed them, sent them on their way, and they went home.
7 (Rudzi rwehafu rwaManase, Mozisi akanga apa nyika yomuBhashani, uye imwe hafu yorudzi rwaManase yakapiwa nyika naJoshua kumavirazuva pamwe chete nehama dzavo.) Joshua akati avaendesa kumusha, akavaropafadza,
Moses had given to the half-tribe of Manasseh the land of Bashan, and to the other half of the tribe Joshua had given land west of the Jordan. Joshua blessed them and sent them home.
8 achiti, “Dzokerai kumisha yenyu nepfuma yenyu zhinji, nemombe dzakawanda, nesirivha, negoridhe, ndarira nesimbi, nenhumbi dzakawanda chose, mundogovana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.”
He told them, “Take all the wealth you have gained back home: the great herds of livestock, the things made of gold, silver, copper, and iron, the huge quantity of clothes. Share all this plunder with your brothers.”
9 Saka vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakasiya vaIsraeri paShiro munyika yeKenani vakadzokera kunyika yeGireadhi, nyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
So the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh left the rest of the Israelites at Shiloh in the land of Canaan and went home to their land in Gilead that they had received at the Lord's command through Moses.
10 Vakati vasvika paGeriroti pedyo neJorodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari huru kwazvo ipapo paJorodhani.
When they approached the Jordan region, still in the land of Canaan, the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh built a large and impressive altar beside the Jordan River.
11 Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri,
The Israelites were told, “Look, the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh have built an altar in the Jordan region of the land of Canaan, on the side belonging to the Israelities.”
12 ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro kuti vaende kundorwa navo.
The Israelites gathered at Shiloh to go to war against them.
13 Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase.
Before they did so, they sent Phinehas, the son of Eleazar the priest to the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh in the land of Gilead.
14 Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri.
Ten leaders went with him, one from each of the ten tribes of Israel, and each the head of his family.
15 Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase, vakati kwavari,
After they arrived they told the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh,
16 “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino.
“This is what all of the Lord's people say, ‘What is this disloyal act you have committed against the God of Israel by building an altar for yourselves? How could you turn away from him now in such rebellion?
17 Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha!
Wasn't our sin at Peor enough? Even now we're still not clean from the plague that attacked the Lord's people.
18 Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here? “‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri.
So why are you turning away from the Lord now? If you rebel against the Lord today, he will be angry with all of us tomorrow!
19 Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu.
But if you think your land is tainted then come over to the land of the Lord where the Tabernacle of the Lord is located and share some of our land with us. Just don't rebel against the Lord, or against us, by building for yourselves an altar other than the altar of the Lord our God.
20 Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’”
When Achan, son of Zerah, acted disloyally in taking consecrated things, didn't the whole of Israel suffer punishment? He wasn't the only one who died because of his sin!”
21 Ipapo Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati,
Then the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh answered the Israelite leaders,
22 “Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi.
“The Lord is God of gods, the Lord is God of gods, and he knows! May Israel also know! If we're in rebellion against God or being disloyal to him then kill us right now!
23 Kana takazvivakira aritari yedu kuti tifuratire Jehovha uye kuti tipe zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, kana kuti tibayire zvibayiro zvokuwadzana pamusoro payo, Jehovha pachake ngaatitonge.
If our action of building an altar was to turn away from the Lord, or to use the altar to make burnt offerings or grain offerings or friendship offerings, then may the Lord punish us.
24 “Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri?
We did this because we were worried that in the future your descendants might say to ours, ‘What have you got to do with the Lord, the God of Israel?
25 Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha.
The Lord put a border—the Jordan River—between us and you, descendants of Reuben and Gad. You don't belong to the Lord.’ So your descendants might stop our descendants from worshiping the Lord.
26 “Ndokusaka takati, ‘Ngatizvigadzirirei tivake aritari, asi isiri yezvipiriso zvinopiswa kana yezvibayiro.’
So we said to ourselves, ‘Let's build an altar, not for burnt offerings or for sacrifices,
27 Asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi uye napakati pezvizvarwa zvedu zvinotevera, kuti tichanamata Jehovha panzvimbo yake tsvene, nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro uye nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo panguva inouya zvizvarwa zvenyu hazvingazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Hamuna mugove muna Jehovha.’
but as a witness between us and you, and for the generations that come after us, that we will come to worship the Lord in his presence with our burnt offerings, sacrifices, and friendship offerings.’ Then your descendants will not be able to say to ours in the future, ‘You don't belong to the Lord.’
28 “Uye isu tikati, ‘Kana vakazotaura izvo kwatiri, kana kuzvizvarwa zvedu, tichazopindura tichiti: Tarirai muone mufananidzo wearitari yaJehovha, wakaitwa namadzibaba edu; usiri wezvipiriso zvinopiswa kana wokubayira ipapo, asi sechapupu pakati pedu nemi.’
If they were to do so in the future, our descendants could reply, ‘Look at this copy of the Lord's altar which our forefathers made, not for burnt offerings or for sacrifices, but as a witness between us and you.’
29 “Ngazvirege kutomboitika kuti isu timukire Jehovha tichitsauka nhasi kubva kwaari nokuvaka aritari yezvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, nezvibayiro kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu, imire pamberi petabhenakeri yake.”
We would never think to rebel against the Lord or to turn away from him now by building an altar to make burnt offerings or grain offerings or sacrifices. The only altar of the Lord our God is the one stands in front of his Tabernacle.”
30 Finehasi muprista, navatungamiri veungano, vakuru vemhuri dzavaIsraeri, vakati vanzwa zvakanga zvataurwa naRubheni naGadhi naManase, vakafara.
When Phinehas and the Israelite leaders heard this from the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh they were delighted.
31 Zvino Finehasi mwanakomana waEreazari, muprista, akati kuna Rubheni, Gadhi naManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kutadzira Jehovha pachinhu ichi. Zvino madzikinura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.”
Phinehas replied to the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh, “Today we know that the Lord is with us because you have not acted disloyally in doing this. Now you have saved the Israelites from being punished by the Lord.”
32 Ipapo Finehasi, mwanakomana waEreazari muprista, navatungamiri vakadzokera kuKenani, vachibva kumusangano wavo navaRubheni navaGadhi muGireadhi uye vakandozivisa vaIsraeri zvakanga zvaitika.
Then Phinehas and the Israelite leaders left the tribes of Reuben and Gad, and the half-tribe of Manasseh in the land of Gilead and returned to the land of Canaan to explain the situation to the Israelites.
33 Vakafara kunzwa shoko iri vakarumbidza Mwari. Uye havana kuzotaurazve kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika yakanga igere vaRubheni navaGadhi.
The Israelites were pleased with the report and God blessed them. They didn't talk about going to war any more to destroy the land where the tribes of Reuben and Gad were living.
34 Zvino vaRubheni navanakomana vaGadhi vakatumidza aritari iyi kuti: Aritari yeChapupu Pakati Pedu kuti Jehovha ndiye Mwari.
The tribes of Reuben and Gad called the altar, “Witness,” because they said, “It is a witness between us that the Lord is also our God.”