< Joshua 2 >
1 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vasori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo.
A Isus sin Navin posla iz Sitima potajno dvije uhode rekavši im: idite, vidite zemlju i Jerihon. I oni otidoše, i doðoše u kuæu jednoj kurvi, kojoj ime bješe Rava, i poèinuše ondje.
2 Zvino mambo weJeriko akaudzwa kuti, “Tarirai! Kune vamwe vaIsraeri vauya muno manheru anhasi kuzosora nyika.”
Ali bi javljeno caru Jerihonskom i kazano: evo, ljudi doðoše ovamo noæas izmeðu sinova Izrailjevih da uhode zemlju.
3 Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya kwauri vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzosora nyika yose.”
I posla car Jerihonski k Ravi i poruèi: izvedi ljude koji su došli k tebi i ušli u tvoju kuæu, jer su došli da uhode svu zemlju.
4 Asi mukadzi uyu akanga atora varume vaviri vaya akavavanza. Iye ndokuti, “Ichokwadi, varume ava vakauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vakanga vabvepi.
Ali žena uzevši ona dva èovjeka sakri ih; pa reèe: jest istina da su ljudi došli k meni, ali ja ne znah odakle bijahu;
5 Zvino kwati zvarara yava nguva yokupfiga suo reguta, varume ava vakaenda. Handizivi kuti vakaenda vakanangepi. Vateverei nokukurumidza, pamwe mungangovabata.”
I kad se vrata zatvorahu u sumrak, ljudi izidoše; ne znam kuda otidoše; idite brzo za njima; stignuæete ih.
6 (Asi iye akanga avatora ndokuvaisa pamusoro pemba ndokuvavanza mumashanga aakanga aunganidza pamusoro pemba.)
A ona ih bješe izvela na krov, i sakrila ih pod lan netrven, koji bijaše razastrla po krovu.
7 Naizvozvo varume vakasimuka votevera vasori nenzira yainanga kumazambuko eJorodhani, uye vaitevera vachangobuda, suo rakabva rapfigwa.
I ljudi poðoše za njima u potjeru put Jordana do broda; i vrata se zatvoriše kad izide potjera za njima.
8 Vasori vasati varara, iye akakwira padenga remba,
Oni pak još ne bjehu pospali, a ona doðe k njima na krov,
9 ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu.
I reèe im: znam da vam je Gospod dao ovu zemlju, jer nas popade strah od vas, i prepali su se od vas svi koji žive u ovoj zemlji.
10 Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose.
Jer èusmo kako je Gospod osušio pred vama Crveno More kad izidoste iz Misira, i šta ste uèinili od dva cara Amorejska koji bijahu preko Jordana, od Siona i Oga, koje pobiste.
11 Patakazvinzwa mwoyo yedu yakarukutika, uye hapana akasara nokutsunga maari nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga napasi panyika.
I kad to èusmo, rastopi se srce naše, i ni u kome veæ nema junaštva od straha vašega; jer je Gospod, Bog vaš, Bog gore na nebu i dolje na zemlji.
12 Zvino ndapota, pikai kwandiri naJehovha kuti muchaitira mhuri yangu tsitsi, nokuti ini ndakuitiraiwo tsitsi. Ndipei chiratidzo chechokwadi chakasimba
Nego sada zakunite mi se Gospodom da æete uèiniti milost domu oca mojega kao što ja vama uèinih milost, i dajte mi znak istinit,
13 chokuti muchararamisa baba vangu namai vangu, hanzvadzi dzangu namadzikoma angu, nemhuri dzavo dzose, uye kuti muchatiponesa kubva parufu.”
Da æete saèuvati život mojemu ocu i mojoj materi i mojoj braæi i mojim sestrama i svjema njihovijem, i da æete izbaviti duše naše od smrti.
14 Ipapo varume vaya vakamuvimbisa vachiti, “Isu ngatife pachinzvimbo chenyu. Kana ukasareva zvatiri kuita tichakubata zvakanaka nokutendeka kana Jehovha atipa nyika ino.”
A ljudi joj odgovoriše: mi æemo izginuti za vas, ako ne izdate ove naše stvari; i kad nam Gospod da ovu zemlju, uèiniæemo ti milost i vjeru.
15 Saka akavadzikisa pasi netambo napawindo, nokuti imba yaaigara yaiva mumasvingo eguta.
Tada ih ona spusti kroz prozor po konopcu; jer kuæa njezina bješe na zidu gradskom, i ona na zidu nastavaše.
16 Zvino akati kwavari, “Endai kumakomo kuitira kuti vateveri varege kukuwanai. Muvande ikoko kwamazuva matatu kusvikira vadzoka, mozoenda henyu nenzira yenyu.”
I reèe im: idite u goru da ne naiðe na vas potjera, i ondje se krijte tri dana dokle se ne vrati potjera, pa onda idite svojim putem.
17 Varume vaya ndokuti kwaari, “Mhiko yawatipikisa iyi haizotisungi
A ljudi joj rekoše: biæemo prosti od ove tvoje zakletve kojom si nas zaklela;
18 kunze kwokuti, patinopinda munyika, uchange wasungirira tambo tsvuku iyi pawindo rawatidzikisa naro, uye kunze kwokunge wapinza baba vako namai vako, hanzvadzi dzako nemhuri yako yose mumba mako.
Evo, kad doðemo u zemlju, veži ovu vrvcu od skerleta na prozor, kroz koji si nas spustila, i skupi kod sebe u tu kuæu oca svojega i mater i braæu i sav dom oca svojega.
19 Ani naani anobuda mumba mako achienda panze, ropa rake richava pamusoro wake, isu hatizova nemhosva. Asi wose anenge ari mumba pamwe chete newe, ropa rake richava pamisoro yedu kana pakangowana anomubata chete.
I ko bi god izašao iz tvoje kuæe, krv njegova neka bude na njegovu glavu, a mi da nijesmo krivi; a ko god bude s tobom u kuæi, krv njegova neka doðe na naše glave, ako ga se ko rukom dotakne.
20 Asi ukangoreva zvatiri kuita, tichasunungurwa pamhiko yawatipikisa.”
Ali ako izdaš ovu stvar našu, tada æemo biti prosti od tvoje zakletve, kojom si nas zaklela.
21 Iye akapindura akati, “Ngazviitwe sokutaura kwenyu.” Naizvozvo akavati vaende ivo ndokuenda. Ipapo akabva asungirira tambo tsvuku pawindo.
A ona odgovori: kako rekoste tako neka bude. Tada ih pusti, i otidoše; i ona veza vrvcu od skerleta na prozor.
22 Pavakabva, vakaenda mumakomo vakagaramo kwamazuva matatu, kusvikira vateveri vatsvaka nzira yose vakavashayiwa vakadzoka.
A oni otišavši doðoše u goru, i ostaše ondje tri dana dokle se ne vrati potjera; jer ih potjera tražaše po svijem putovima, ali ih ne naðe.
23 Ipapo varume vaviri vaya vakatanga kudzokera. Vakadzika kubva muzvikomo ndokuyambuka rwizi vakasvika kuna Joshua mwanakomana waNuni vakamuudza zvose zvakanga zvaitika kwavari.
I vratiše se ona dva èovjeka, i sišavši s gore prebrodiše i doðoše k Isusu sinu Navinu, i pripovjediše mu sve što im se dogodilo.
24 Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo Jehovha aisa nyika yose mumaoko edu; vanhu vose vari kugwagwadza nokutitya.”
I rekoše Isusu: zaista dao nam je Gospod u ruke svu tu zemlju, i svi stanovnici one zemlje uplašili su se od nas.