< Joshua 19 >

1 Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.
Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.
2 Nhaka yavo yaisanganisira: Bheerishebha (kana kuti Shebha), Moradha,
Nhaka yavo yaisanganisira: Bheerishebha (kana kuti Shebha), Moradha,
3 Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,
Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,
4 Eritoradhi, Bheturi, Homa,
Eritoradhi, Bheturi, Homa,
5 Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,
Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,
6 Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;
Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;
7 Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,
Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,
8 nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi). Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri.
nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi). Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri.
9 Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.
Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.
10 Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri: Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi.
Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri: Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi.
11 Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami.
Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami.
12 Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia.
Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia.
13 Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea.
Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea.
14 Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri.
Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri.
15 Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo.
Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo.
16 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri.
17 Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri.
Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri.
18 Nyika yavo yaisanganisira: Jezireeri, Kesuroti, Shunami,
Nyika yavo yaisanganisira: Jezireeri, Kesuroti, Shunami,
19 Hafaraimi, Shioni, Anaharati,
Hafaraimi, Shioni, Anaharati,
20 Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,
Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,
21 Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.
Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.
22 Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.
Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.
23 Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri.
Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri.
24 Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri.
Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri.
25 Nyika yavo yaisanganisira: Herikati, Hari, Bheteni, Akishafi,
Nyika yavo yaisanganisira: Herikati, Hari, Bheteni, Akishafi,
26 Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.
Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.
27 Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe.
Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe.
28 Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.
Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.
29 Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,
Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,
30 Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
31 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri.
32 Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri:
Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri:
33 Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani.
Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani.
34 Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva.
Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva.
35 Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti,
Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti,
36 Adhama, Rama, Hazori,
Adhama, Rama, Hazori,
37 Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori,
Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori,
38 Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo.
Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo.
39 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri.
40 Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
41 Nyika yenhaka yavo yaisanganisira: Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi,
Nyika yenhaka yavo yaisanganisira: Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi,
42 Shaarabhini, Aijaroni, Itira,
Shaarabhini, Aijaroni, Itira,
43 Eroni, Timuna, Ekironi,
Eroni, Timuna, Ekironi,
44 Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati,
Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati,
45 Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni,
Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni,
46 Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa.
Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa.
47 (Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)
(Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)
48 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
49 Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo,
Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo,
50 sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.
sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.
51 Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.
Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.

< Joshua 19 >