< Joshua 14 >

1 Zvino idzi ndidzo nzvimbo dzakagamuchirwa navana vaIsraeri senhaka munyika yeKenani, dzavakagoverwa nomuprista Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri.
और वह हिस्से जिनको कन'आन के मुल्क में बनी इस्राईल ने वारिस के तौर पर पाया, और जिनको इली'एलियाज़र काहिन और नून के बेटे यशू'अ और बनी इस्राईल के क़बीलों के आबाई ख़ानदानों के सरदारों ने उनको तक़सीम किया यह हैं।
2 Nhaka yavo yakagoverwa nemijenya kumarudzi mapfumbamwe nehafu yamarudzi, sezvakanga zvaraiyirwa naJehovha kuna Mozisi.
उनकी मीरास पर्ची से दी गयी, जैसा ख़ुदावन्द ने साढ़े नौ क़बीलों के हक़ में मूसा को हुक्म दिया था।
3 Mozisi akanga apa marudzi maviri ane hafu nhaka yawo kumabvazuva kweJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo,
क्यूँकि मूसा ने यरदन के उस पार ढाई क़बीलों की मीरास उनको दे दी थी, लेकिन उसने लावियों को उनके बीच कुछ मीरास नहीं दी।
4 nokuti vana vaJosefa vakanga vava marudzi maviri, rwaManase norwaEfuremu. VaRevhi havana kuwana mugove wenyika asi maguta okugara, namafuro amakwai avo nemombe dzavo.
क्यूँकि बनी यूसुफ़ के दो क़बीले थे, मनस्सी और इफ़्राईम, इसलिए लावियों को उस मुल्क में कुछ हिस्सा न मिला सिवा शहरों के जो उनके रहने के लिए थे और उनकी नवाही के जो उनके चौपायों और माल के लिए थी।
5 Naizvozvo vana vaIsraeri vakakamura-kamura nyika, sezvazvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
जैसा ख़ुदावन्द ने मूसा को हुक्म दिया था, वैसा ही बनी इस्राईल ने किया और मुल्क को बाँट लिया।
6 Zvino vanhu veJudha vakaenda kuna Joshua paGirigari, uye Karebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, akati kwaari, “Imi munoziva zvakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu nemi, paKadheshi Bharinea.
तब बनी यहूदाह जिल्जाल में यशू'अ के पास आये; और क़िन्ज़ी युफ़न्ना के बेटे कालिब ने उससे कहा, तुझे मा'लूम है कि ख़ुदावन्द ने मर्द — ए — ख़ुदा मूसा से मेरी और तेरी बारे में क़ादिस बरनी' में क्या कहा था।
7 Ndakanga ndava namakore makumi mana pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha, paKadheshi Bharinea kundosora nyika, uye ndakadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini,
जब ख़ुदावन्द के बन्दे मूसा ने क़ादिस बरनी' से मुझको इस मुल्क का हाल दरियाफ़्त करने को भेजा उस वक़्त मैं चालीस बरस का था; और मैंने उसको वही ख़बर ला कर दी जो मेरे दिल में थी।
8 asi hama dzangu dzakanga dzakwidza neni dzakaodza mwoyo yavanhu, nokutya. Kunyange zvakadaro ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose.
तो भी मेरे भाइयों ने जो मेरे साथ गये थे, लोगों के दिलों को पिघला दिया; लेकिन मैंने ख़ुदावन्द अपने ख़ुदा की पूरी पैरवी की है।
9 Saka pazuva iro Mozisi akapika kwandiri akati, ‘Nyika yose yauchafamba pairi netsoka dzako, ichava nhaka yako, navana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’
तब मूसा ने उस दिन क़सम खा कर कहा, “जिस ज़मीन पर तेरा क़दम पड़ा है वह हमेशा के लिए तेरी और तेरे बेटों की मीरास ठहरेगी, क्यूँकि तूने ख़ुदावन्द मेरे ख़ुदा की पूरी पैरवी की है”।
10 “Zvino ipapo, sokuvimbiswa kwakaitwa naJehovha, akandiraramisa kwamakore makumi mana namashanu, kubva panguva yaakataura izvi kuna Mozisi, vaIsraeri pavaidzungaira murenje. Naizvozvo nhasi ndiri pano, ndava namakore makumi masere namashanu!
और अब देख जब से ख़ुदावन्द ने यह बात मूसा से कही तब से इन पैंतालीस बरसों तक, जिनमें बनी इस्राईल वीराने में आवारा फ़िरते रहे, ख़ुदावन्द मुझे अपने क़ौल के मुताबिक़ जीता रखा और अब देख, मैं आज के दिन पिचासी बरस का हूँ।
11 Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare.
और आज के दिन भी मैं वैसा ही हूँ जैसा उस दिन था, जब मूसा ने मुझे भेजा था और जंग के लिए और बाहर जाने और लौटने के लिए जैसी क़ुव्वत मुझ में उस वक़्त थी वैसी ही अब भी है।
12 Zvino chindipa nyika iyo yamakomo, yandakavimbiswa naJehovha musi iwoyo. Iwe pachako wakanzwa kare kuti vaAnaki vakanga varipo uye kuti maguta avo akanga ari makuru uye akakomberedzwa, asi Jehovha achindibatsira, ndichavadzinga sezvaakataura.”
इसलिए यह पहाड़ी जिसका ज़िक्र ख़ुदावन्द ने उस रोज़ किया था मुझ को दे दे, क्यूँकि तूने उस दिन सुन लिया था कि 'अनाक़ीम वहाँ बसते हैं और वहाँ के शहर बड़े फ़सील दार हैं; यह मुमकिन है कि ख़ुदावन्द मेरे साथ हो और मैं उनको ख़ुदावन्द के क़ौल के मुताबिक़ निकाल दूँ।”
13 Ipapo Joshua akaropafadza Karebhu, mwanakomana waJefune akamupa Hebhuroni senhaka yake.
तब यशू'अ ने युफ़न्ना के बेटे कालिब को दुआ दी, और उसको हबरून मीरास के तौर पर दे दिया।
14 Naizvozvo Hebhuroni yakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kubvira ipapo, nokuti akatevera Jehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose.
इसलिए हबरून उस वक़्त से आज तक क़िन्ज़ी युफ़न्ना के बेटे कालिब की मीरास है, इस लिए कि उस ने ख़ुदावन्द इस्राईल के ख़ुदा की पूरी पैरवी की।
15 (Hebhuroni yaimbonzi Kiriati Abha ichibva pana Abha akanga ano mukurumbira pakati pavaAnaki vose.) Ipapo nyika yakazorora pakurwa hondo.
और अगले वक़्त में हबरून का नाम क़रयत अरबा' था, और वह अरबा' 'अनाक़ीम में सब से बड़ा आदमी था। और उस मुल्क को जंग से फ़राग़त मिली।

< Joshua 14 >