< Joshua 12 >

1 Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
καὶ οὗτοι οἱ βασιλεῖς τῆς γῆς οὓς ἀνεῖλον οἱ υἱοὶ Ισραηλ καὶ κατεκληρονόμησαν τὴν γῆν αὐτῶν πέραν τοῦ Ιορδάνου ἀφ’ ἡλίου ἀνατολῶν ἀπὸ φάραγγος Αρνων ἕως τοῦ ὄρους Αερμων καὶ πᾶσαν τὴν γῆν Αραβα ἀπ’ ἀνατολῶν
2 Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.
Σηων τὸν βασιλέα τῶν Αμορραίων ὃς κατῴκει ἐν Εσεβων κυριεύων ἀπὸ Αροηρ ἥ ἐστιν ἐν τῇ φάραγγι κατὰ μέρος τῆς φάραγγος καὶ τὸ ἥμισυ τῆς Γαλααδ ἕως Ιαβοκ ὅρια υἱῶν Αμμων
3 Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.
καὶ Αραβα ἕως τῆς θαλάσσης Χενερεθ κατ’ ἀνατολὰς καὶ ἕως τῆς θαλάσσης Αραβα θάλασσαν τῶν ἁλῶν ἀπὸ ἀνατολῶν ὁδὸν τὴν κατὰ Ασιμωθ ἀπὸ Θαιμαν τὴν ὑπὸ Ασηδωθ Φασγα
4 Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.
καὶ Ωγ βασιλεὺς Βασαν ὑπελείφθη ἐκ τῶν γιγάντων ὁ κατοικῶν ἐν Ασταρωθ καὶ ἐν Εδραϊν
5 Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
ἄρχων ἀπὸ ὄρους Αερμων καὶ ἀπὸ Σελχα καὶ πᾶσαν τὴν Βασαν ἕως ὁρίων Γεσουρι καὶ τὴν Μαχατι καὶ τὸ ἥμισυ Γαλααδ ὁρίων Σηων βασιλέως Εσεβων
6 Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
Μωυσῆς ὁ παῖς κυρίου καὶ οἱ υἱοὶ Ισραηλ ἐπάταξαν αὐτούς καὶ ἔδωκεν αὐτὴν Μωυσῆς ἐν κληρονομίᾳ Ρουβην καὶ Γαδ καὶ τῷ ἡμίσει φυλῆς Μανασση
7 Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,
καὶ οὗτοι οἱ βασιλεῖς τῶν Αμορραίων οὓς ἀνεῖλεν Ἰησοῦς καὶ οἱ υἱοὶ Ισραηλ ἐν τῷ πέραν τοῦ Ιορδάνου παρὰ θάλασσαν Βααλγαδ ἐν τῷ πεδίῳ τοῦ Λιβάνου καὶ ἕως τοῦ ὄρους Χελχα ἀναβαινόντων εἰς Σηιρ καὶ ἔδωκεν αὐτὴν Ἰησοῦς ταῖς φυλαῖς Ισραηλ κληρονομεῖν κατὰ κλῆρον αὐτῶν
8 nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):
ἐν τῷ ὄρει καὶ ἐν τῷ πεδίῳ καὶ ἐν Αραβα καὶ ἐν Ασηδωθ καὶ ἐν τῇ ἐρήμῳ καὶ ἐν Ναγεβ τὸν Χετταῖον καὶ τὸν Αμορραῖον καὶ τὸν Χαναναῖον καὶ τὸν Φερεζαῖον καὶ τὸν Ευαῖον καὶ τὸν Ιεβουσαῖον
9 mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete
τὸν βασιλέα Ιεριχω καὶ τὸν βασιλέα τῆς Γαι ἥ ἐστιν πλησίον Βαιθηλ
10 mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete
βασιλέα Ιερουσαλημ βασιλέα Χεβρων
11 mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete
βασιλέα Ιεριμουθ βασιλέα Λαχις
12 mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete
βασιλέα Αιλαμ βασιλέα Γαζερ
13 mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete
βασιλέα Δαβιρ βασιλέα Γαδερ
14 mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete
βασιλέα Ερμαθ βασιλέα Αραθ
15 mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete
βασιλέα Λεβνα βασιλέα Οδολλαμ
16 mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete
βασιλέα Μακηδα
17 mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete
βασιλέα Ταφουγ βασιλέα Οφερ
18 mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete
βασιλέα Αφεκ τῆς Σαρων
19 mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete
βασιλέα Ασωρ
20 mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete
βασιλέα Συμοων βασιλέα Μαρρων βασιλέα Αζιφ
21 mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete
βασιλέα Καδης βασιλέα Ταναχ
22 mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete
βασιλέα Μαγεδων βασιλέα Ιεκοναμ τοῦ Χερμελ
23 mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete
βασιλέα Δωρ τοῦ Ναφεδδωρ βασιλέα Γωιμ τῆς Γαλιλαίας
24 mambo weTiriza mumwe chete, madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.
βασιλέα Θαρσα πάντες οὗτοι βασιλεῖς εἴκοσι ἐννέα

< Joshua 12 >