< Jona 3 >

1 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti,
آنگاه خداوند بار دیگر به یونس فرمود:
2 “Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.”
«به شهر بزرگ نینوا برو و پیامی را که به تو می‌دهم، به آنها اعلام کن!»
3 Jona akateerera shoko raJehovha akaenda kuNinevhe. Zvino Ninevhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwamazuva matatu.
یونس اطاعت کرده، به نینوا رفت. نینوا شهر بسیار بزرگی بود به طوری که سه روز طول می‌کشید تا کسی سراسر آن را بپیماید.
4 Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.”
یونس وارد شهر شد و پس از طی یک روز راه شروع به موعظه کرده، گفت: «بعد از چهل روز نینوا ویران خواهد شد!»
5 Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga.
اهالی شهر حرفهایش را باور کرده، به همه اعلان کردند که روزه بگیرند؛ و همه، از بزرگ تا کوچک، پلاس پوشیدند.
6 Nhau idzi padzakasvika kuna mambo weNinevhe, akasimuka kubva pachigaro chake, akabvisa nguo dzake dzoumambo, akazvifukidza namasaga akagara mumadota.
هنگامی که پادشاه نینوا شنید که یونس چه گفته است از تخت خود پایین آمده، لباس شاهانه را از تن درآورد و پلاس پوشیده، در خاکستر نشست.
7 Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti: “Chirevo chamambo namachinda ake: “Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa.
پادشاه و بزرگان دربار او این پیام را به سراسر شهر فرستادند: «نه مردم و نه حیوانات، هیچ‌کدام نباید چیزی بخورند و حتی آب بنوشند.
8 Asi vanhu nemhuka ngavafuke masaga. Munhu wose ngaadane kuna Mwari iye zvino. Ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nokuita kwavo nechisimba.
همهٔ مردم باید پلاس پوشیده، به درگاه خداوند التماس کنند و از راههای بد خود بازگشت نموده، از اعمال زشت خود دست بکشند.
9 Ndiani anoziva? Zvichida Mwari angazvidemba uye netsitsi dzake akazvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa kuti tirege kuparara.”
کسی چه می‌داند، شاید خداوند از خشم خود برگردد و بر ما ترحم کرده، ما را از بین نبرد.»
10 Mwari akati aona zvavakaita uye kutendeuka kwavakaita kubva panzira dzavo dzakaipa, akavanzwira tsitsi akasauyisa kuparadzwa pamusoro pavo sezvaaida kuvaitira.
وقتی خدا دید آنها از راههای بد خود دست کشیده‌اند بر آنها ترحم کرده، بلایی را که گفته بود بر ایشان نفرستاد.

< Jona 3 >