< Johani 1 >

1 Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.
Ekuqaleni wayekhona uLizwi, njalo uLizwi wayeloNkulunkulu, njalo uLizwi wayenguNkulunkulu.
2 Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga.
Yena lo wayeloNkulunkulu ekuqaleni.
3 Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa.
Zonke izinto zenziwa ngaye, njalo ngaphandle kwakhe kakulalutho lolulodwa olwenziwayo lolo olwenziweyo.
4 Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu.
Impilo yayikuye, njalo impilo yayiyikukhanya kwabantu,
5 Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
lokukhanya kukhanya emnyameni, kodwa ubumnyama kabukwemukelanga.
6 Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani.
Kwavela umuntu ethunywe nguNkulunkulu, obizo lakhe linguJohane;
7 Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye.
yena lo wezela ubufakazi, ukuze afakaze ngokukhanya, ukuze bonke bakholwe ngaye.
8 Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza.
Yena wayengayisikho ukukhanya, kodwa ukuze afakaze ngokukhanya.
9 Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
Kwakuyikukhanya okuqotho, okukhanyisa wonke umuntu oza emhlabeni.
10 Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva.
Wayekhona emhlabeni, njalo umhlaba wenziwa ngaye, kodwa umhlaba kawumazanga.
11 Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.
Weza kokwakhe, kodwa abakhe kabamemukelanga.
12 Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,
Kodwa bonke abamemukelayo, wabapha amandla okuthi babe ngabantwana bakaNkulunkulu, labo abakholwa ebizweni lakhe;
13 vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
abazalwa kungeyisikho ngegazi, langentando yenyama, langentando yendoda, kodwa nguNkulunkulu.
14 Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
ULizwi wasesiba yinyama, wahlala phakathi kwethu, njalo sabona inkazimulo yakhe, inkazimulo injengeyozelwe yedwa kaYise, egcwele umusa leqiniso.
15 Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’”
UJohane wafakaza ngaye, wamemeza wathi: Nguye lo ebengisitsho ngaye ukuthi: Lowo ozayo emva kwami uphambi kwami; ngoba wayekhona kuqala kulami.
16 Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.
Lekugcwaleni kwakhe thina semukele sonke, futhi umusa ngomusa;
17 Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
ngoba umlayo wanikwa ngoMozisi, umusa leqiniso kweza ngoJesu Kristu.
18 Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
Kakho owake wabona uNkulunkulu; iNdodana ezelwe yodwa, esesifubeni sikaYise, yiyo emvezileyo.
19 Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani.
Njalo lobu yibufakazi bukaJohane, mhla amaJuda ethuma abapristi lamaLevi bevela eJerusalema ukuze bambuze ukuthi: Wena ungubani?
20 Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
Wasevuma, kaphikanga; futhi wavuma wathi: Kangisuye uKristu mina.
21 Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.”
Bambuza futhi bathi: Kuyini pho? Wena unguElija yini? Wasesithi: Kangisuye. Wena ungulowomProfethi yini? Wasephendula wathi: Hatshi.
22 Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
Basebesithi kuye: Ungubani? Ukuze sibaphe impendulo abasithumileyo; uthini ngawe?
23 Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’”
Wathi: Mina ngiyilizwi lomemezayo enkangala: Lungisani indlela yeNkosi, njengoba uIsaya umprofethi watsho.
24 Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa
Lalabo ababethunyiwe babevela kubaFarisi.
25 vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”
Basebembuza, bathi kuye: Ubhabhathizelani pho, uba wena ungeyisuye uKristu, loElija, lalowomProfethi?
26 Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.
UJohane wabaphendula, wathi: Mina ngibhabhathiza ngamanzi; kodwa phakathi kwenu kumi, lina elingamaziyo;
27 Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”
nguye ozayo emva kwami, ophambi kwami, engingafanele mina ukuthukulula umchilo wenyathela lakhe.
28 Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.
Lezizinto zenzeka eBethabara ngaphetsheya kweJordani, lapho uJohane ayebhabhathiza khona.
29 Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
Kusisa uJohane wabona uJesu esiza kuye, wathi: Khangelani iWundlu likaNkulunkulu, elisusa isono somhlaba.
30 Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’
Nguye lo mina ebengilitshela ngaye ukuthi: Emva kwami kuza indoda, eyayikhona phambi kwami, ngoba yayikhona kuqala kulami.
31 Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.”
Lami bengingamazi; kodwa ukuze abonakaliswe kuIsrayeli, ngalokho mina ngizile ngibhabhathiza ngamanzi.
32 Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.
UJohane wasefakaza, esithi: Ngibonile uMoya esehla ezulwini njengejuba, wahlala phezu kwakhe.
33 Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’
Lami bengingamazi; kodwa owangithumayo ukubhabhathiza ngamanzi, yena wathi kimi: Lowo ozabona uMoya esehlela phezu kwakhe ahlale kuye, nguye obhabhathiza ngoMoya oNgcwele.
34 Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Mina ngibonile, ngafakaza ukuthi lo uyiNdodana kaNkulunkulu.
35 Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.
Kusisa futhi uJohane wayemi, lababili kubafundi bakhe;
36 Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
wasekhangela uJesu ehambahamba, wathi: Khangelani iWundlu likaNkulunkulu.
37 Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.
Abafundi ababili bamuzwa ekhuluma, basebemlandela uJesu.
38 Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?”
Kwathi uJesu enyemukula ebabona belandela, wathi kubo: Lidingani? Basebesithi kuye: Rabi, (okuyikuthi ngokuphendulelwa, Mfundisi) uhlala ngaphi?
39 Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
Wathi kubo: Wozani libone. Beza babona lapho ayehlala khona; bahlala laye ngalolosuku; kwakungaba lihola letshumi.
40 Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu.
UAndreya umfowabo kaSimoni Petro wayengomunye wababili ababekuzwe ngoJohane bamlandela.
41 Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).
Yena wathola kuqala umfowabo uqobo uSimoni, wathi kuye: Simtholile uMesiya, okuphendulelwa ngokuthi, uKristu.
42 Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).
Wasemletha kuJesu. UJesu esemkhangele wathi: Wena unguSimoni indodana kaJona; uzathiwa nguKefasi, okuphendulelwa ngokuthi uPetro.
43 Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
Kusisa uJesu wayefuna ukusuka aye eGalili, wathola uFiliphu, wathi kuye: Ngilandela.
44 Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro,
UFiliphu-ke wayengoweBhethisayida, emzini wakibo kaAndreya loPetro.
45 Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”
UFiliphu wathola uNathaniyeli, wathi kuye: Simtholile lowo abhala ngaye uMozisi emlayweni labaprofethi, uJesu weNazaretha, indodana kaJosefa.
46 Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Firipi akati, “Uya uone.”
UNathaniyeli wasesithi kuye: Kambe kungavela okuhle eNazaretha? UFiliphu wathi kuye: Woza ubone.
47 Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
UJesu wabona uNathaniyeli esiza kuye, wathi ngaye: Khangelani umIsrayeli uqobo, okungekho nkohliso kuye.
48 Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”
UNathaniyeli wathi kuye: Ungazela ngaphi? UJesu waphendula wathi kuye: UFiliphu engakakubizi, ungaphansi komkhiwa, ngakubona.
49 Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”
UNathaniyeli waphendula wathi kuye: Rabi, wena uyiNdodana kaNkulunkulu, wena uyiNkosi kaIsrayeli.
50 Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.”
UJesu waphendula wathi kuye: Uyakholwa ngoba ngithe kuwe, bengikubona ungaphansi komkhiwa. Uzabona izinto ezinkulu kulalezi.
51 Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”
Wasesithi kuye: Ngiqinisile, ngiqinisile, ngithi kini: Kusukela khathesi lizabona izulu livulekile, lengilosi zikaNkulunkulu zisenyuka zisehla phezu kweNdodana yomuntu.

< Johani 1 >