< Johani 9 >

1 Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu.
And Jesus passing by, saw a man, who was blind from his birth:
2 Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”
And his disciples asked him: Rabbi, who hath sinned, this man, or his parents, that he should be born blind?
3 Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake.
Jesus answered: Neither hath this man sinned, nor his parents; but that the works of God should be made manifest in him.
4 Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo.
I must work the works of him that sent me, whilst it is day: the night cometh, when no man can work.
5 Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”
As long as I am in the world, I am the light of the world.
6 Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.
When he had said these things, he spat on the ground, and made clay of the spittle, and spread the clay on his eyes,
7 Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
And said to him: Go, wash in the pool of Siloe, which is interpreted, Sent. He went therefore, and washed, and he came seeing.
8 Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
The neighbours therefore, and they who had seen him before that he was a beggar, said: Is not this he that sat and begged? Some said: This is he.
9 Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
But others said: No, but he is like him. But he said: I am he.
10 Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
They said therefore to him: How were thy eyes opened?
11 Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
He answered: That man that is called Jesus made clay, and anointed my eyes, and said to me: Go to the pool of Siloe, and wash. And I went, I washed, and I see.
12 Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?” Iye akati, “Handizivi.”
And they said to him: Where is he? He saith: I know not.
13 Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.
They bring him that had been blind to the Pharisees.
14 Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikazorwa pameso omurume uya naJesu, raiva zuva reSabata.
Now it was the sabbath, when Jesus made the clay, and opened his eyes.
15 Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Azora dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
Again therefore the Pharisees asked him, how he had received his sight. But he said to them: He put clay upon my eyes, and I washed, and I see.
16 Vamwe vaFarisi vakati, “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
Some therefore of the Pharisees said: This man is not of God, who keepeth not the sabbath. But others said: How can a man that is a sinner do such miracles? And there was a division among them.
17 Pakupedzisira vakadzokerazve kumurume uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”
They say therefore to the blind man again: What sayest thou of him that hath opened they eyes? And he said: He is a prophet.
18 Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake.
The Jews then did not believe concerning him, that he had been blind, and had received his sight, until they called the parents of him that had received his sight,
19 Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”
And asked them, saying: Is this your son, who you say was born blind? How then doth he now see?
20 Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu.
His parents answered them, and said: We know that this is our son, and that he was born blind:
21 Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.”
But how he now seeth, we know not; or who hath opened his eyes, we know not: ask himself: he is of age, let him speak for himself.
22 Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge.
These things his parents said, because they feared the Jews: for the Jews had already agreed among themselves, that if any man should confess him to be Christ, he should be put out of the synagogue.
23 Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”
Therefore did his parents say: He is of age, ask himself.
24 Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti murume uyu mutadzi.”
They therefore called the man again that had been blind, and said to him: Give glory to God. We know that this man is a sinner.
25 Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”
He said therefore to them: If he be a sinner, I know not: one thing I know, that whereas I was blind, now I see.
26 Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?”
They said then to him: What did he to thee? How did he open thy eyes?
27 Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”
He answered them: I have told you already, and you have heard: why would you hear it again? will you also become his disciples?
28 Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi!
They reviled him therefore, and said: Be thou his disciple; but we are the disciples of Moses.
29 Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”
We know that God spoke to Moses: but as to this man, we know not from whence he is.
30 Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.
The man answered, and said to them: Why, herein is a wonderful thing, that you know not from whence he is, and he hath opened my eyes.
31 Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.
Now we know that God doth not hear sinners: but if a man be a server of God, and doth his will, him he heareth.
32 Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. (aiōn g165)
From the beginning of the world it hath not been heard, that any man hath opened the eyes of one born blind. (aiōn g165)
33 Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”
Unless this man were of God, he could not do any thing.
34 Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.
They answered, and said to him: Thou wast wholly born in sins, and dost thou teach us? And they cast him out.
35 Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”
Jesus heard that they had cast him out: and when he had found him, he said to him: Dost thou believe in the Son of God?
36 Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”
He answered, and said: Who is he, Lord, that I may believe in him?
37 Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”
And Jesus said to him: Thou hast both seen him; and it is he that talketh with thee.
38 Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.
And he said: I believe, Lord. And falling down, he adored him.
39 Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”
And Jesus said: For judgment I am come into this world; that they who see not, may see; and they who see, may become blind.
40 Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?”
And some of the Pharisees, who were with him, heard: and they said unto him: Are we also blind?
41 Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”
Jesus said to them: If you were blind, you should not have sin: but now you say: We see. Your sin remaineth.

< Johani 9 >