< Johani 8 >

1 Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi.
וישוע הלך אל הר הזיתים׃
2 Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise.
ויהי בבקר ויבא עוד אל המקדש וכל העם באו אליו וישב וילמדם׃
3 Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka
ויביאו הסופרים והפרושים אשה לפניו אשר נתפשה בשטותה ויעמידוה בתוך׃
4 uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe.
ויאמרו אליו רבי האשה הזאת נתפשה כשנטמאת בנאופיה׃
5 MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?”
ומשה צונו בתורה לסקל נשים כאלה ואתה מה תאמר׃
6 Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake.
ואך לנסות אתו דברו זאת למצא עליו שטנה ויכף ישוע למטה ויתו באצבעו על הקרקע׃
7 Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”
ויהי כאשר הוסיפו לשאל אתו וישא את עיניו ויאמר אליהם מי בכם זך בלי פשע הוא ראשונה ידה בה אבן׃
8 Akakotamazve akanyora pasi.
ויכף שנית למטה ויתו על הקרקע׃
9 Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.
ויהי כשמעם ויך לבם אתם ויצאו אחד אחד החוצה החל מן הזקנים ועד האחרונים ויותר ישוע לבדו והאשה נצבת בתוך׃
10 Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?”
וישא ישוע את עיניו וירא כי אין איש בלתי האשה לבדה ויאמר אליה אשה איפה שטניך הכי הרשיעך איש׃
11 Iye akati, “Hapana, Ishe.” Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Zvino chienda, uye usiye upenyu hwako hwechivi.”
ותאמר לא אדני ויאמר לכן גם אני לא ארשיעך לכי לדרכך ואל תחטאי עוד׃
12 Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
ויסף ישוע וידבר אליהם לאמר אני אור העולם כל ההלך אחרי לא יתהלך בחשכה כי אור החיים יהיה לו׃
13 VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”
ויאמרו הפרושים על נשפך מעיד אתה עדותך איננה נאמנה׃
14 Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.
ויען ישוע ויאמר אליהם אף אם אעיד על נפשי עדותי נאמנה יען כי ידעתי מאין באתי ואנה אני הלך ואתם לא ידעתם מאין באתי ואנה אלך׃
15 Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.
אתם לפי הבשר תשפטו ואני לא אשפט איש׃
16 Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handisi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.
ואם אנכי אשפט משפטי אמת כי לא לבדי הנני כי אם אני והאב אשר שלחני׃
17 Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.
וגם בתורתכם כתוב כי עדות שני אנשים נאמנה היא׃
18 Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”
אני הוא המעיד עלי וגם האב אשר שלחני יעידני׃
19 Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”
ויאמרו אליו איו אביך ויען ישוע גם אתי גם את אבי לא ידעתם אלו אתי ידעתם כי עתה גם את אבי ידעתם׃
20 Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
כדברים האלה דבר בבית האוצר בלמדו במקדש ולא תפשו איש כי לא בא עתו׃
21 Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”
ויוסף ישוע ויאמר אליהם אני הלך מזה ותבקשוני ובחטאתכם תמותו אל אשר אני הלך שמה אתם לא תוכלו לבוא׃
22 Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’”
ויאמרו היהודים ההמת ימית את נפשו כי אמר אל אשר אני הולך שמה אתם לא תוכלו לבוא׃
23 Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handisi wenyika ino.
ויאמר אליהם אתם הנכם מן התחתונים ואני מן העליונים אתם מן העולם הזה ואני אינני מן העולם הזה׃
24 Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”
לכן אמרתי אליכם כי תמותו בחטאיכם כי אם לא תאמינו כי אני הוא בחטאיכם תמותו׃
25 Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.
ויאמרו אליו מי זה אתה ויאמר אליהם ישוע מה שגם מראש דברתי אליכם׃
26 Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”
רבות עמי לדבר ולשפט עליכם אכן שלחי נאמן הוא ואשר שמעתי ממנו אתו אני מדבר אל העולם׃
27 Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba.
והם לא התבוננו כי על האב אמר אליהם׃
28 Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga.
אז אמר להם ישוע בעת תנשאו את בן האדם וידעתם כי אני הוא וכי אינני עשה דבר מנפשי כי אם כאשר למדני אבי אלה אדבר׃
29 Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.”
ואשר שלח אתי הוא עמדי האב לא עזבני לבדד כי את הטוב בעיניו אני עשה תמיד׃
30 Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
ויהי בדברו זאת ויאמינו בו רבים׃
31 Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.
ויאמר ישוע אל היהודים המאמינים בו אם תעמדו בדברי באמת תלמידי אתם׃
32 Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
וידעתם את האמת והאמת תשימכם לבני חורין׃
33 Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?”
ויענו אתו זרע אברהם נחנו ומעולם לא היינו לאיש לעבדים איכה תאמר בני חורין תהיו׃
34 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi.
ויען אתם ישוע אמן אמן אני אמר לכם כל עשה חטא עבד החטא הוא׃
35 Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. (aiōn g165)
והעבד לא ישכן בבית לעולם הבן ישכן לעולם׃ (aiōn g165)
36 Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.
לכן אם הבן יעשה אתכם בני חורין חפשים באמת תהיו׃
37 Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
ידעתי כי זרע אברהם אתם אבל אתם מבקשים להמיתני כי דברי לא יכן בתוככם׃
38 Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.”
אני מדבר את אשר ראיתי אצל אבי ואתם עשים את אשר ראיתם אצל אביכם׃
39 Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama.
ויענו ויאמרו אליו אבינו הוא אברהם ויאמר אליהם ישוע אלו הייתם בני אברהם כמעשי אברהם עשיתם׃
40 Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai.
ועתה אתם מבקשים להמיתני איש דבר אליכם האמת אשר שמעתי מעם האלהים אברהם לא עשה כזאת׃
41 Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.”
את מעשי אביכם אתם עשים ויאמרו אליו לא ילדי זנונים אנחנו יש לנו אב אחד הוא האלהים׃
42 Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma.
ויאמר אליהם ישוע אלו אלהים הוא אביכם כי עתה אהבתם אתי כי אנכי יצאתי ובאתי מאת האלהים הן לא ממני באתי אך הוא שלחני׃
43 Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura.
מדוע לא תבינו לשוני יען לא תוכלון לשמע את דברי׃
44 Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.
אתם מן אביכם השטן ולעשות את תאות אביכם חפצתם הוא רוצח נפש היה מראש ובאמת לא עמד כי אמת אין בו מדי דברי כזב משלו ידבר כי כזב הוא ואבי הכזב׃
45 Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri!
ואני יען דברי האמת לא תאמינו לי׃
46 Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi?
מי בכם על עון יוכיחני ואם אמת דברתי מדוע לא תאמינו לי׃
47 Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.”
אשר מאת האלהים הוא ישמע את דברי האלהים על כן אתם לא שמעתם כי אינכם מאת האלהים׃
48 VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?”
אז יענו היהודים ויאמרו אליו הלא הטבנו אשר דברנו כי שמרוני אתה ושד בך׃
49 Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza.
ויען ישוע שד אין בי רק את אבי אני מכבד ואתם תבזוני׃
50 Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi.
אכן לא אבקש את כבודי יש אחד אשר יבקש וישפט׃
51 Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” (aiōn g165)
אמן אמן אני אמר לכם אם ישמר איש את דברי לא יראה מות לנצח׃ (aiōn g165)
52 Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu. (aiōn g165)
ויאמרו אליו היהודים עתה ידענו כי שד בך הן אברהם והנביאים מתו ואתה אמרת אם ישמר איש את דברי לא יטעם מות לנצח׃ (aiōn g165)
53 Ko, iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama here? Ivo vakafa, uye vaprofita vakafawo. Unofunga kuti iwe ndiwe ani?”
האתה גדול מאברהם אבינו אשר מת גם הנביאים מתו מה תעשה את עצמך׃
54 Jesu akapindura akati, “Kana ini ndichizvirumbidza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo. Baba vangu, avo vamunoti ndivo Mwari wenyu, ndivo vanondikudza.
ויען ישוע אם אני מכבד את נפשי כבודי מאין אבי הוא המכבד אתי אשר תאמרו עליו כי הוא אלהיכם׃
55 Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo.
ולא ידעתם אתו ואני ידעתיו ואם אמר לא ידעתי אתו אהיה כזב כמוכם אבל ידעתיו ואת דברו שמרתי׃
56 Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.”
אברהם אביכם שש לראות את יומי וירא וישמח׃
57 VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!”
ויאמרו אליו היהודים הנה אינך בן חמשים שנה ואת אברהם ראית׃
58 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahama asati azvarwa ini ndiripo!”
ויאמר אליהם ישוע אמן אמן אני אמר לכם בטרם היות אברהם אני הוא׃
59 Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.
אז ירימו אבנים לרגם אתו וישוע התעלם ויצא מן המקדש ויעבר בתוכם עבור וחלוף׃

< Johani 8 >