< Johani 7 >
1 Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.
Bundan sonra İsa Celile'de dolaşmaya başladı. Yahudi yetkililer O'nu öldürmeyi amaçladıkları için Yahudiye'de dolaşmak istemiyordu.
2 Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,
Yahudiler'in Çardak Bayramı yaklaşmıştı.
3 vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.
Bu nedenle İsa'nın kardeşleri O'na, “Buradan ayrıl, Yahudiye'ye git” dediler, “Öğrencilerin de yaptığın işleri görsünler.
4 Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”
Çünkü kendini açıkça tanıtmak isteyen bir kimse yaptıklarını gizlemez. Mademki bu şeyleri yapıyorsun, kendini dünyaya göster!”
5 Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
Kardeşleri bile O'na iman etmiyorlardı.
6 Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.
İsa onlara, “Benim zamanım daha gelmedi” dedi, “Oysa sizin için zaman hep uygundur.
7 Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.
Dünya sizden nefret edemez, ama benden nefret ediyor. Çünkü yaptıklarının kötü olduğuna tanıklık ediyorum.
8 Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”
Siz bu bayramı kutlamaya gidin. Ben şimdilik gitmeyeceğim. Çünkü benim zamanım daha dolmadı.”
9 Akati areva izvi, akagara muGarirea.
İsa bu sözleri söyleyip Celile'de kaldı.
10 Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
Ne var ki, kardeşleri bayramı kutlamaya gidince, kendisi de gitti. Ancak açıktan açığa değil, gizlice gitti.
11 Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?”
Yahudi yetkililer O'nu bayram sırasında arıyor, “O nerede?” diye soruyorlardı.
12 Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
Kalabalık arasında O'nunla ilgili bir sürü laf fısıldanıyordu. Bazıları, “İyi adamdır”, bazıları da, “Hayır, tam tersine, halkı saptırıyor” diyorlardı.
13 Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
Bununla birlikte yetkililerden korktukları için, hiç kimse O'ndan açıkça söz etmiyordu.
14 Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa.
Bayramın yarısı geçmişti. İsa tapınağa gidip öğretmeye başladı.
15 VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”
Yahudiler şaşırdılar. “Bu adam hiç öğrenim görmediği halde, nasıl bu kadar bilgili olabilir?” dediler.
16 Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.
İsa onlara, “Benim öğretim benim değil, beni gönderenindir” diye karşılık verdi.
17 Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.
“Eğer bir kimse Tanrı'nın isteğini yerine getirmek istiyorsa, bu öğretinin Tanrı'dan mı olduğunu, yoksa kendiliğimden mi konuştuğumu bilecektir.
18 Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.
Kendiliğinden konuşan kendini yüceltmek ister, ama kendisini göndereni yüceltmek isteyen doğrudur ve O'nda haksızlık yoktur.
19 Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”
Musa size Kutsal Yasa'yı vermedi mi? Yine de hiçbiriniz Yasa'yı yerine getirmiyor. Neden beni öldürmek istiyorsunuz?”
20 Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”
Kalabalık, “Cin çarpmış seni!” dedi. “Seni öldürmek isteyen kim?”
21 Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo.
İsa, “Ben bir mucize yaptım, hepiniz şaşkına döndünüz” diye yanıt verdi.
22 Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.
“Musa size sünneti buyurduğu için –aslında bu, Musa'dan değil, atalarınızdan kalmadır– Şabat Günü birini sünnet edersiniz.
23 Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?
Musa'nın Yasası bozulmasın diye Şabat Günü biri sünnet ediliyor da, Şabat Günü bir adamı tamamen iyileştirdim diye bana neden kızıyorsunuz?
24 Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
Dış görünüşe göre yargılamayın, yargınız adil olsun.”
25 Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here?
Yeruşalimliler'in bazıları, “Öldürmek istedikleri adam bu değil mi?” diyorlardı.
26 Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu?
“Bakın, açıkça konuşuyor, O'na bir şey demiyorlar. Yoksa önderler O'nun Mesih olduğunu gerçekten kabul ettiler mi?
27 Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”
Ama biz bu adamın nereden geldiğini biliyoruz. Oysa Mesih geldiği zaman O'nun nereden geldiğini kimse bilmeyecek.”
28 Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi,
O sırada tapınakta öğreten İsa yüksek sesle şöyle dedi: “Hem beni tanıyorsunuz, hem de nereden olduğumu biliyorsunuz! Ben kendiliğimden gelmedim. Beni gönderen gerçektir. O'nu siz tanımıyorsunuz.
29 asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”
Ben O'nu tanırım. Çünkü ben O'ndanım, beni O gönderdi.”
30 Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika.
Bunun üzerine O'nu yakalamak istediler, ama kimse O'na el sürmedi. Çünkü O'nun saati henüz gelmemişti.
31 Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
Halktan birçok kişi ise O'na iman etti. “Mesih gelince, bunun yaptıklarından daha mı çok mucize yapacak?” diyorlardı.
32 VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.
Ferisiler halkın İsa hakkında böyle fısıldaştığını duydular. Başkâhinler ve Ferisiler O'nu yakalamak için görevliler gönderdiler.
33 Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma.
İsa, “Kısa bir süre daha sizinleyim” dedi, “Sonra beni gönderene gideceğim.
34 Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.”
Beni arayacaksınız ama bulamayacaksınız. Ve benim bulunduğum yere siz gelemezsiniz.”
35 VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki?
Bunun üzerine Yahudiler birbirlerine, “Bu adam nereye gidecek de biz O'nu bulamayacağız?” dediler. “Yoksa Grekler arasında dağılmış olanlara gidip Grekler'e mi öğretecek?
36 Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?”
‘Beni arayacaksınız ama bulamayacaksınız. Ve benim bulunduğum yere siz gelemezsiniz’ diyor. Ne demek istiyor?”
37 Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.
Bayramın son ve en önemli günü İsa ayağa kalktı, yüksek sesle şöyle dedi: “Bir kimse susamışsa bana gelsin, içsin.
38 Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
Kutsal Yazı'da dendiği gibi, bana iman edenin ‘içinden diri su ırmakları akacaktır.’”
39 Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake.
Bunu, kendisine iman edenlerin alacağı Ruh'la ilgili olarak söylüyordu. Ruh henüz verilmemişti. Çünkü İsa henüz yüceltilmemişti.
40 Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”
Halktan bazıları bu sözleri işitince, “Gerçekten beklediğimiz peygamber budur” dediler.
41 Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?
Bazıları da, “Bu Mesih'tir” diyorlardı. Başkaları ise, “Olamaz! Mesih Celile'den mi gelecek?” dediler.
42 Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”
“Kutsal Yazı'da, ‘Mesih, Davut'un soyundan, Davut'un yaşadığı Beytlehem Kenti'nden gelecek’ denmemiş midir?”
43 Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.
Böylece İsa'dan dolayı halk arasında ayrılık doğdu.
44 Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.
Bazıları O'nu yakalamak istedilerse de, kimse O'na el sürmedi.
45 Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”
Görevliler geri dönünce, başkâhinlerle Ferisiler, “Niçin O'nu getirmediniz?” diye sordular.
46 Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”
Görevliler, “Hiç kimse hiçbir zaman bu adamın konuştuğu gibi konuşmamıştır” karşılığını verdiler.
47 VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?
Ferisiler, “Yoksa siz de mi aldandınız?” dediler.
48 Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?
“Önderlerden ya da Ferisiler'den O'na iman eden oldu mu hiç?
49 Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”
Kutsal Yasa'yı bilmeyen bu halk lanetlidir.”
50 Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,
İçlerinden biri, daha önce İsa'ya gelen Nikodim, onlara şöyle dedi: “Yasamıza göre, bir adamı dinlemeden, ne yaptığını öğrenmeden onu yargılamak doğru mu?”
51 “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”
52 Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”
Ona, “Yoksa sen de mi Celile'densin?” diye karşılık verdiler. “Araştır, bak, Celile'den peygamber çıkmaz.”
53 Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
Bundan sonra herkes evine gitti.