< Johani 4 >

1 VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani,
When therefore the Lord knew that the Pharisees had heard that Jesus made and baptized more disciples than John,
2 kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake.
(Though Jesus himself baptized not, but his disciples, )
3 Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.
He left Judea, and departed again into Galilee.
4 Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria.
And he must needs go through Samaria.
5 Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho.
Then he cometh to a city of Samaria, which is called Sychar, near to the parcel of ground, that Jacob gave to his son Joseph.
6 Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.
Now Jacob's well was there. Jesus therefore being wearied with [his] journey, sat thus on the well: [and] it was about the sixth hour.
7 Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?”
There cometh a woman of Samaria to draw water: Jesus saith to her, Give me to drink.
8 (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)
(For his disciples had gone to the city to buy provisions.)
9 Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)
Then saith the woman of Samaria to him, How is it that thou, being a Jew, askest drink of me, who am a woman of Samaria? for the Jews have no dealings with the Samaritans.
10 Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”
Jesus answered and said to her, If thou knewest the gift of God, and who it is that saith to thee, Give me to drink; thou wouldst have asked him, and he would have given thee living water.
11 Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi?
The woman saith to him, Sir, thou hast nothing to draw with, and the well is deep: from whence then hast thou that living water?
12 Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?”
Art thou greater than our father Jacob, who gave us the well, and drank of it himself, and his children, and his cattle?
13 Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve,
Jesus answered and said to her, Whoever drinketh of this water, shall thirst again:
14 asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” (aiōn g165, aiōnios g166)
But whoever drinketh of the water that I shall give him, shall never thirst; but the water that I shall give him, shall be in him a well of water springing up into everlasting life. (aiōn g165, aiōnios g166)
15 Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
The woman saith to him, Sir, give me this water, that I may not thirst, neither come hither to draw.
16 Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.”
Jesus saith to her, Go, call thy husband, and come hither.
17 Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume.
The woman answered and said, I have no husband. Jesus said to her, Thou hast well said, I have no husband:
18 Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.”
For thou hast had five husbands, and he whom thou now hast, is not thy husband: in that thou hast spoken truth.
19 Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita.
The woman saith to him, Sir, I perceive that thou art a prophet.
20 Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.”
Our fathers worshiped in this mountain; and ye say, that in Jerusalem is the place where men ought to worship.
21 Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema.
Jesus saith to her, Woman, believe me, the hour cometh, when ye shall neither in this mountain, nor yet at Jerusalem, worship the Father.
22 Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
Ye worship ye know not what: we know what we worship, for salvation is from the Jews.
23 Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.
But the hour cometh, and now is, when the true worshipers shall worship the Father in spirit and in truth: for the Father seeketh such to worship him.
24 Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
God [is] a Spirit: and they that worship him, must worship [him] in spirit and in truth.
25 Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”
The woman saith to him, I know that Messiah cometh, who is called Christ; when he is come, he will tell us all things.
26 Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
Jesus saith to her, I that speak to thee am [he].
27 Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”
And upon this came his disciples, and marveled that he talked with the woman: yet no man said, What seekest thou? or, Why talkest thou with her?
28 Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu,
The woman then left her waterpot, and went into the city, and saith to the men,
29 “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”
Come, see a man who hath told me all things that ever I did: is not this the Christ?
30 Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.
Then they went out of the city, and came to him.
31 Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”
In the mean while his disciples prayed him, saying, Master, eat.
32 Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”
But he said to them, I have food to eat that ye know not of.
33 Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”
Therefore said the disciples one to another, Hath any man brought him [aught] to eat?
34 Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
Jesus saith to them, My food is to do the will of him that sent me, and to finish his work.
35 Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.
Say not ye, There are yet four months, and [then] cometh harvest? behold, I say to you, Lift up your eyes, and look on the fields; for they are white already to harvest.
36 Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. (aiōnios g166)
And he that reapeth receiveth wages, and gathereth fruit to life eternal: that both he that soweth, and he that reapeth, may rejoice together. (aiōnios g166)
37 Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’
And herein is that saying true, One soweth, and another reapeth.
38 Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
I sent you to reap that on which ye bestowed no labor: other men labored, and ye have entered into their labors.
39 VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”
And many of the Samaritans of that city believed on him for the saying of the woman, who testified, He told me all that ever I did.
40 Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.
So when the Samaritans had come to him, they besought him that he would tarry with them: and he abode there two days.
41 Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.
And many more believed, because of his own word;
42 Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
And said to the woman, Now we believe, not because of thy saying: for we have heard [him] ourselves, and know that this is indeed the Christ, the Savior of the world.
43 Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea.
Now after two days he departed thence, and went into Galilee.
44 Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake.
For Jesus himself testified that a prophet hath no honor in his own country.
45 Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.
Then when he had come into Galilee, the Galileans received him, having seen all the things that he did at Jerusalem at the feast: for they also went to the feast.
46 Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.
So Jesus came again into Cana of Galilee, where he made the water wine. And there was a certain nobleman, whose son was sick at Capernaum.
47 Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
When he heard that Jesus had come from Judea into Galilee, he went to him, and besought him that he would come down, and heal his son: for he was at the point of death.
48 Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
Then said Jesus to him, Except ye see signs and wonders, ye will not believe.
49 Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”
The nobleman saith to him, Sir, come down ere my child dieth.
50 Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.
Jesus saith to him, Go; thy son liveth. And the man believed the word that Jesus had spoken to him, and he departed.
51 Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.
And as he was now going down, his servants met him, and told [him], saying, Thy son liveth.
52 Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”
Then he inquired of them the hour when he began to amend: and they said to him, Yesterday at the seventh hour the fever left him.
53 Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
So the father knew that [it was] at the same hour in which Jesus said to him, Thy son liveth: and he himself believed, and his whole house.
54 Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.
This [is] again the second miracle [that] Jesus performed, when he had come from Judea into Galilee.

< Johani 4 >