< Johani 3 >
1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weboka ravaFarisi ainzi Nikodhimasi, nhengo yedare ravaJudha raitonga.
Now there was one of the Pharisees named Nicodemus, a ruler among the Jews.
2 Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.”
This man came to Jesus by night, and said to him. "Rabbi, we know that you are a teacher sent from God; for no man can do these signs which you are continually doing, unless God is with him."
3 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.”
"In very truth I tell you," answered Jesus, "that unless a man is born from above, he cannot see the kingdom of God."
4 Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!”
"How can a man be born when he is old?" Nicodemus replied; "Can he enter a second time into his mother’s womb, and be born?"
5 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya.
"I tell you solemnly," Jesus answered, "that unless a man is born of water and the Spirit, he cannot enter the kingdom of God.
6 Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya.
What is born of the flesh is flesh; and what is born of the Spirit is spirit.
7 Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’
Marvel not at my telling you, ‘You must all be born again from above.’
8 Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.”
The wind blows where it wills, and you hear its voice, but you do not know where it comes from or where it is going. So it is with every one who has been born of the Spirit."
9 Nikodhimasi akati, “Zvingaitika seiko izvi?”
"How can this be?" said Nicodemus in reply.
10 Jesu akati, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi?
"Are you the Teacher of Israel, and yet you do not understand these things?" said Jesus.
11 Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu.
"Most solemnly I tell you we are speaking of what we know, and it is about that of which we were eyewitnesses that we give testimony. Yet all of you reject our testimony.
12 Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga?
If I have told you earthly things and yet none of you believe me, how will you believe if I tell you concerning heavenly things?
13 Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu.
There is no one gone up to heaven, except the One who came down from heaven - the Son of man himself.
14 Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo,
And just as Moses lifted up the serpent in the wilderness, so must the Son of man be lifted up,
15 kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. (aiōnios )
in order that every one who believes in him may have eternal life. (aiōnios )
16 “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. (aiōnios )
"For God so loved the world that he gave his only begotten Son, that whoever trusts in him should not perish, but have eternal life. (aiōnios )
17 Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.
For God did not send his Son into the world to condemn the world, but that the world through him might be saved.
18 Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.
He who trusts in him is not condemned, but he who does not trust has already been condemned, because he has not put his trust in the name of the only begotten Son of God.
19 Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.
And this is the condemnation, that Light is come into the world, and men loved darkness rather than light, because their deeds were evil.
20 Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.
For every one who practises wrong hates light, and does not come to the light, lest his actions be exposed;
21 Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”
but he who does what is true, comes to the light, in order that his actions may be shown to have been wrought in God."
22 Shure kwaizvozvo, Jesu navadzidzi vake vakabuda vakaenda kunyika yeJudhea, uko kwaakandogara navo kwechinguva, uye akabhabhatidza.
After this Jesus and his disciples went into the countryside of Judea, and there he was staying with them and baptizing.
23 Zvino Johaniwo aibhabhatidza paAenoni pedyo neSarimu nokuti pakanga pane mvura zhinji, uye vanhu vakanga vachiramba vachiuya kuti vazobhabhatidzwa.
John also was baptizing in Aenon, near Salim, because there were many streams there, and people kept coming to receive baptism.
24 (Panguva iyi, Johani akanga asati aiswa mutorongo.)
(For John had not yet been thrown into prison.)
25 Nharo dzakamuka pakati pavamwe vadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro penyaya dzokuzvinatsa nokushamba.
Then some of John’s disciples got into a controversy with a Jew in regard to purification; so they came to John and said to him.
26 Vakauya kuna Johani vakati kwaari, “Rabhi, uya murume wamakanga muinaye mhiri kwaJorodhani, iye wamakapupura nezvake, onai, ari kubhabhatidza, uye vanhu vose vari kuenda kwaari.”
"Rabbi, see! The man who was with you on the other side of Jordan, and to whom you yourself have borne testimony, is now baptizing, and everybody is coming to him."
27 Johani akapindura achiti, “Munhu anongogamuchira chete zvaanenge apiwa zvichibva kudenga.
In reply John said. "A man cannot obtain anything unless it has been granted to him from heaven.
28 Imi pachenyu mungandipupurira kuti ndakati, ‘Ini handisini Kristu, asi ndakatumwa mberi kwake.’
You yourselves are my witnesses that I said, ‘I am not the Christ, but have been sent before him.’
29 Mwenga ndowechikomba. Shamwari inoshandira chikomba inomira ichimunzwa uye inozara nomufaro painonzwa inzwi rechikomba. Mufaro uyo ndowangu, uye iye zvino wakwana.
He who has the bride is the bridegroom, but the friend of the bridegroom, who stands and hears him, rejoices greatly because of the bridegroom’s voice. So then this joy of mine has now complete fulfilment.
30 Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa.
He must increase, but I must decrease.
31 “Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose.
"He that comes from above is above all; but one who is of the earth, of the earth he is, and of the earth he speaks. He who comes from heaven is above all.
32 Iye anopupura zvaakaona nezvaakanzwa, asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.
He bears testimony to what he has heard and seen, yet no one receives his testimony.
33 Munhu anohugamuchira, anopupura kuti Mwari ndowechokwadi.
Whoever does receive it has set his seal that God is true.
34 Nokuti uyo akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari, nokuti Mwari anopa Mweya asingayeri.
For he whom God sent utters the words of God; for God does not give the Spirit sparingly.
35 Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvose mumaoko ake.
the Father loves the Son and has committed everything into his hands.
36 Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.” (aiōnios )
Whoever believes in the Son has eternal life, but he who disobeys the Son shall not see life, but he who disobeys the Son shall not see life, but the wrath of God abides upon him." (aiōnios )