< Johani 21 >

1 Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi.
Later, by the Sea of Tiberias, Jesus again revealed Himself to the disciples. He made Himself known in this way:
2 Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri.
Simon Peter, Thomas called Didymus, Nathanael from Cana in Galilee, the sons of Zebedee, and two other disciples were together.
3 Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata.
Simon Peter told them, “I am going fishing.” “We will go with you,” they said. So they went out and got into the boat, but caught nothing that night.
4 Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu.
Early in the morning, Jesus stood on the shore, but the disciples did not recognize that it was Jesus.
5 Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.”
So He called out to them, “Children, do you have any fish?” “No,” they answered.
6 Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove.
He told them, “Cast the net on the right side of the boat, and you will find some.” So they cast it there, and they were unable to haul it in because of the great number of fish.
7 Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura.
Then the disciple whom Jesus loved said to Peter, “It is the Lord!” As soon as Simon Peter heard that it was the Lord, he put on his outer garment (for he had removed it) and jumped into the sea.
8 Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri.
The other disciples came ashore in the boat. They dragged in the net full of fish, for they were not far from land, only about a hundred yards.
9 Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa.
When they landed, they saw a charcoal fire there with fish on it, and some bread.
10 Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata.”
Jesus told them, “Bring some of the fish you have just caught.”
11 Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.
So Simon Peter went aboard and dragged the net ashore. It was full of large fish, 153, but even with so many, the net was not torn.
12 Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe.
“Come, have breakfast,” Jesus said to them. None of the disciples dared to ask Him, “Who are You?” They knew it was the Lord.
13 Jesu akauya, akatora chingwa akavapa, akaita saizvozvo nehovewo.
Jesus came and took the bread and gave it to them, and He did the same with the fish.
14 Uku kwakava kuzviratidza kwaJesu kuvadzidzi vake kwechitatu shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
This was now the third time that Jesus appeared to the disciples after He was raised from the dead.
15 Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.”
When they had finished eating, Jesus asked Simon Peter, “Simon son of John, do you love Me more than these?” “Yes, Lord,” he answered, “You know I love You.” Jesus replied, “Feed My lambs.”
16 Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.”
Jesus asked a second time, “Simon son of John, do you love Me?” “Yes, Lord,” he answered, “You know I love You.” Jesus told him, “Shepherd My sheep.”
17 Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu.
Jesus asked a third time, “Simon son of John, do you love Me?” Peter was deeply hurt that Jesus had asked him a third time, “Do you love Me?” “Lord, You know all things,” he replied. “You know I love You.” Jesus said to him, “Feed My sheep.
18 Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.”
Truly, truly, I tell you, when you were young, you dressed yourself and walked where you wanted; but when you are old, you will stretch out your hands, and someone else will dress you and lead you where you do not want to go.”
19 Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!”
Jesus said this to indicate the kind of death by which Peter would glorify God. And after He had said this, He told him, “Follow Me.”
20 Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”)
Peter turned and saw the disciple whom Jesus loved following them. He was the one who had leaned back against Jesus at the supper to ask, “Lord, who is going to betray You?”
21 Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?”
When Peter saw him, he asked, “Lord, what about him?”
22 Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”
Jesus answered, “If I want him to remain until I return, what is that to you? You follow Me!”
23 Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?”
Because of this, the rumor spread among the brothers that this disciple would not die. However, Jesus did not say that he would not die, but only, “If I want him to remain until I return, what is that to you?”
24 Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
This is the disciple who testifies to these things and who has written them down. And we know that his testimony is true.
25 Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.
There are many more things that Jesus did. If all of them were written down, I suppose that not even the world itself would have space for the books that would be written.

< Johani 21 >