< Johani 2 >
1 Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo,
Kolmandal päeval peeti pulmi Kaanas Galileamaal. Ka Jeesuse ema oli seal
2 uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.
ning Jeesus oma jüngritega oli samuti pulmapeole kutsutud.
3 Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”
Kui vein otsa sai, ütles ema Jeesusele: „Neil on vein otsas!“
4 Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.”
Kuid Jeesus vastas talle: „Naine, mis see minusse puutub? Minu aeg ei ole veel tulnud!“
5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
Ta ema aga käskis teenijaid: „Mida iganes ta teile ütleb, seda tehke!“
6 Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
Seal oli kuus kivist veeanumat juudi puhastustalituste tarvis, igaüks neist mahutas kaheksakümmend kuni sada kakskümmend liitrit.
7 Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
„Täitke need anumad veega!“käskis Jeesus, ja nad täitsid need ääreni.
8 Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo.
Siis ta ütles neile: „Ammutage nüüd sellest ja viige pulmavanemale!“Nad tegid seda,
9 Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi
ja pulmavanem maitses vett, mis oli veiniks muutunud. Ta ei teadnud, kust see toodud oli, kuid teenijad, kes olid vee valanud, teadsid. Ta kutsus peigmehe kõrvale
10 akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.”
ja ütles talle: „Iga peoperemees pakub esmalt parimat veini ja kui on joodud küllalt, siis kehvemat. Sina aga oled hoidnud parimat siiani!“
11 Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Selle tunnustähega Kaanas Galileamaal ilmutas Jeesus esmakordselt oma jumalikku au, ning ta jüngrid uskusid temasse.
12 Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanunʼuna vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma.
Seejärel peatus ta oma ema, vendade ja jüngritega mõne päeva Kapernaumas.
13 Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema.
Juutide paasapühad olid tulemas ja Jeesus läks Jeruusalemma.
14 Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari.
Nähes templiõues veiste, lammaste ja tuvide müüjaid ning rahavahetajaid laudade taga,
15 Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo.
tegi ta nööridest piitsa ja kihutas templist välja kõik, nii veised kui ka lambad. Ta puistas laiali rahavahetajate mündid ja keeras kummuli nende lauad.
16 Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!”
Ja ta käskis tuvimüüjaid: „Viige need siit minema! Ärge tehke mu Isa koda laadaplatsiks!“
17 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
Tema jüngritele meenus siis, et on kirjutatud: „Kiivus su koja pärast neelab mu ära!“
18 Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?”
Seepeale nõudsid juudid Jeesuse käest: „Kas sul on näidata meile mingit tunnustähte, mis kinnitaks, et sul on meelevald teha sääraseid asju?“
19 Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.”
Jeesus vastas neile: „Lõhkuge see tempel, ja ma taastan selle kolme päevaga!“
20 VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”
Nemad vastasid: „Seda templit on ehitatud nelikümmend kuus aastat, ja sina taastad selle kolme päevaga?“
21 Asi temberi yaaireva waiva muviri wake.
Kuid tempel, millest Jeesus rääkis, oli tema ihu.
22 Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu.
Pärast tema ülestõusmist surmast meenus jüngritele, et ta seda oli öelnud, ning nad uskusid Pühakirja ja Jeesuse sõnu.
23 Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita vakatenda muzita rake.
Kui Jeesus paasapühade ajal Jeruusalemmas tunnustähti andis, hakkasid paljud temasse uskuma.
24 Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose.
Tema aga ei usaldanud ennast nende kätte, sest ta tundis inimesi.
25 Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.
Tal polnud vaja tunnistust inimeste kohta, sest ta teadis, mis on iga inimese sees.