< Johani 17 >
1 Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei.
Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;
2 Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. (aiōnios )
sezvo makamupa simba pamusoro penyama yese, kuti vese vamakamupa, avape upenyu husingaperi. (aiōnios )
3 Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios )
Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari wega wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios )
4 Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite.
Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;
5 Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.
6 “Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu.
Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.
7 Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri.
Ikozvino voziva kuti zvese-zvese zvamakandipa, zvinobva kwamuri;
8 Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma.
nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.
9 Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu.
Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu;
10 Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo.
uye zvese zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.
11 Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.
Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
12 Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe.
Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe.
13 “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo.
Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.
14 Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika.
Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
15 Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.
Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.
16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
17 Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.
Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.
18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika.
Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika.
19 Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.
20 “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo,
Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;
21 kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.
kuti vese vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.
22 Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe:
Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.
23 imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.
24 “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo.
25 “Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma.
Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;
26 Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.