< Johani 17 >
1 Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei.
After Jesus said these things, He looked toward Heaven, and said: “Father, the time has come. Glorify Your Son, so that Your Son may also glorify You,
2 Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. (aiōnios )
as You have given Him authority over all flesh, that He should give eternal life to as many as You have given Him. (aiōnios )
3 Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios )
This is eternal life, that they may know You, the only true God, and Jesus Christ who You have sent. (aiōnios )
4 Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite.
I have glorified You on the Earth. I have finished the work which You have given me to do.
5 Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
Now, O Father, glorify me together with Yourself, with the glory which I had with You before the world existed.
6 “Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu.
“I have revealed Your name to the people You’ve given me out of the world. They were Yours. You gave them to me, and they have kept Your word.
7 Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri.
Now they know that everything You’ve given me comes from You,
8 Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma.
for I have spoken to them the words You’ve given me. They have received Your words, and have come to know for certain that I came forth from You. They have believed that You sent me.
9 Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu.
It is for them I pray. I’m not praying for the world, but for those who You’ve given me, because they belong to You.
10 Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo.
All of mine are Yours, and Yours are mine. I am glorified in them.
11 Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.
Now I am no longer in the world, but these are in the world. I am coming to You. Holy Father, keep through Your name those who You’ve given me, that they may be one just as we are one.
12 Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe.
I kept them in Your name while I was with them in the world. I have kept the people You gave me; and none of them is lost except the son of perdition, so that the Scripture might be fulfilled.
13 “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo.
Now I am coming to You, and I speak these things in the world, so that they may have my joy fulfilled in themselves.
14 Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika.
I have given them Your word. The world has hated them because they don’t belong to the world, just as I don’t belong to the world.
15 Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.
I don’t pray that You should take them out of the world, but that You should keep them from the evil one.
16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
They don’t belong to the world, just as I don’t belong to the world.
17 Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.
Sanctify them by Your truth. Your word is truth.
18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika.
As You sent me into the world, I have sent them into the world.
19 Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
I sanctify myself for their sakes, so that they may also be sanctified by the truth.
20 “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo,
“I don’t pray for these alone, but also for those who will believe in me through their message,
21 kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.
that they all may be one, as You, Father, are in me, and I in You. I pray that they also may be one in Us, so that the world may believe that You sent me.
22 Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe:
I have given them the glory which You gave me, that they may be one just as we are one:
23 imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
I in them and You in me. May they be brought to complete unity to let the world know that You sent me and have sincerely loved them even as You have sincerely loved me.
24 “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
Father, I desire that those You gave me may also be with me where I am, that they may see my glory which You’ve given me; because You sincerely loved me before the foundation of the world.
25 “Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma.
O righteous Father! The world hasn’t known You, but I have always known You, and these have come to know that You sent me.
26 Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
I have declared to them Your name, and will continue to declare it, so that the sincere love with which You sincerely loved me may be in them, and I may be in them.”