< Johani 16 >

1 “Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka.
Io vi ho dette queste cose, affinché non siate scandalizzati.
2 Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari.
Vi espelleranno dalle sinagoghe; anzi, l’ora viene che chiunque v’ucciderà, crederà di offrir servigio a Dio.
3 Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini.
E questo faranno, perché non hanno conosciuto né il Padre né me.
4 Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.
Ma io v’ho dette queste cose, affinché quando sia giunta l’ora in cui avverranno, vi ricordiate che ve l’ho dette. Non ve le dissi da principio, perché ero con voi.
5 “Zvino ndava kuenda kune akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’
Ma ora me ne vo a Colui che mi ha mandato; e niun di voi mi domanda: Dove vai?
6 Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.
Invece, perché v’ho detto queste cose, la tristezza v’ha riempito il cuore.
7 Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
Pure, io vi dico la verità, egli v’è utile ch’io me ne vada; perché, se non me ne vo, non verrà a voi il Consolatore; ma se me ne vo, io ve lo manderò.
8 Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:
E quando sarà venuto, convincerà il mondo quanto al peccato, alla giustizia, e al giudizio.
9 pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;
Quanto al peccato, perché non credono in me;
10 pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;
quanto alla giustizia, perché me ne vo al Padre e non mi vedrete più;
11 uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.
quanto al giudizio, perché il principe di questo mondo è stato giudicato.
12 “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.
Molte cose ho ancora da dirvi; ma non sono per ora alla vostra portata;
13 Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.
ma quando sia venuto lui, lo Spirito della verità, egli vi guiderà in tutta la verità, perché non parlerà di suo, ma dirà tutto quello che avrà udito, e vi annunzierà le cose a venire.
14 Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.
Egli mi glorificherà perché prenderà del mio e ve l’annunzierà.
15 Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.
Tutte le cose che ha il Padre, son mie: per questo ho detto che prenderà del mio e ve l’annunzierà.
16 “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”
Fra poco non mi vedrete più; e fra un altro poco mi vedrete, perché me ne vo al Padre.
17 Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”
Allora alcuni dei suoi discepoli dissero tra loro: Che cos’è questo che ci dice: “Fra poco non mi vedrete più”; e “Fra un altro poco mi vedrete”; e: “Perché me ne vo al Padre?”
18 Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.”
Dicevano dunque: che cos’è questo “fra poco” che egli dice? Noi non sappiamo quello ch’egli voglia dire.
19 Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’?
Gesù conobbe che lo volevano interrogare, e disse loro: Vi domandate voi l’un l’altro che significhi quel mio dire “Fra poco non mi vedrete più”, e “fra un altro poco mi vedrete?”
20 Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro.
In verità, in verità vi dico che voi piangerete e farete cordoglio, e il mondo si rallegrerà. Voi sarete contristati, ma la vostra tristezza sarà mutata in letizia.
21 Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.
La donna, quando partorisce, è in dolore, perché è venuta la sua ora; ma quando ha dato alla luce il bambino, non si ricorda più dell’angoscia, per l’allegrezza che sia nata al mondo una creatura umana.
22 Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu.
E così anche voi siete ora nel dolore; ma io vi vedrò di nuovo, e il vostro cuore si rallegrerà e nessuno vi torrà la vostra allegrezza.
23 Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
E in quel giorno non rivolgerete a me alcuna domanda. In verità, in verità vi dico che quel che chiederete al Padre, Egli ve lo darà nel nome mio.
24 Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
Fino ad ora non avete chiesto nulla nel nome mio; chiedete e riceverete, affinché la vostra allegrezza sia completa.
25 “Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu.
Queste cose v’ho dette in similitudini; l’ora viene che non vi parlerò più in similitudini, ma apertamente vi farò conoscere il Padre.
26 Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu.
In quel giorno chiederete nel mio nome; e non vi dico che io pregherò il Padre per voi;
27 Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.
poiché il Padre stesso vi ama, perché mi avete amato e avete creduto che son proceduto da Dio.
28 Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba.”
Son proceduto dal Padre e son venuto nel mondo; ora lascio il mondo, e torno al Padre.
29 Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo.
I suoi discepoli gli dissero: Ecco, adesso tu parli apertamente e non usi similitudine.
30 Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”
Ora sappiamo che sai ogni cosa, e non hai bisogno che alcuno t’interroghi; perciò crediamo che sei proceduto da Dio.
31 Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino?
Gesù rispose loro: Adesso credete?
32 Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni.
Ecco, l’ora viene, anzi è venuta, che sarete dispersi, ciascun dal canto suo, e mi lascerete solo; ma io non son solo, perché il Padre è meco.
33 “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”
V’ho dette queste cose, affinché abbiate pace in me. Nel mondo avrete tribolazione; ma fatevi animo, io ho vinto il mondo.

< Johani 16 >