< Johani 15 >

1 “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda.
Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.
3 Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri.
Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.
4 Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.
Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.
5 “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
6 Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa.
Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.
7 Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.
8 Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.
Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
9 “Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu.
Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.
10 Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo.
Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
11 Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.
Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.
12 Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai.
Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
13 Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
14 Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai.
Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.
15 Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.
16 Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.
17 Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.
Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
18 “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini.
Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.
19 Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai.
Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
20 Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu.
Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.
21 Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma.
Asi izvi zvese vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma.
22 Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo.
Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.
23 Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu.
Anondivenga, anovenga Baba vanguwo.
24 Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu.
Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu.
25 Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’
Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.
26 “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.
Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu.
27 Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.
Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.

< Johani 15 >