< Johani 15 >

1 “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
Ja sam pravi èokot, i otac je moj vinogradar;
2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda.
Svaku lozu na meni koja ne raða roda otsjeæi æe je; i svaku koja raða rod oèistiæe je da više roda rodi.
3 Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri.
Vi ste veæ oèišæeni rijeèju koju vam govorih.
4 Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.
Budite u meni i ja æu u vama. Kao što loza ne može roda roditi sama od sebe ako ne bude na èokotu, tako i vi ako u meni ne budete.
5 “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
Ja sam èokot a vi loze: i koji bude u meni i ja u njemu on æe roditi mnogi rod: jer bez mene ne možete èiniti ništa.
6 Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa.
Ko u meni ne ostane izbaciæe se napolje kao loza, i osušiæe se, i skupiæe je, i u oganj baciti, i spaliti.
7 Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
Ako ostanete u meni i rijeèi moje u vama ostanu, šta god hoæete ištite, i biæe vam.
8 Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.
Tijem æe se otac moj proslaviti, da rod mnogi rodite; i biæete moji uèenici.
9 “Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu.
Kao što otac ima ljubav k meni, i ja imam ljubav k vama; budite u ljubavi mojoj.
10 Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo.
Ako zapovijesti moje uzdržite ostaæete u ljubavi mojoj, kao što ja održah zapovijesti oca svojega i ostajem u ljubavi njegovoj.
11 Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.
Ovo vam kazah, da radost moja u vama ostane i radost vaša se ispuni.
12 Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai.
Ovo je zapovijest moja da imate ljubav meðu sobom, kao što ja imadoh ljubav k vama.
13 Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
Od ove ljubavi niko veæe nema, da ko dušu svoju položi za prijatelje svoje.
14 Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai.
Vi ste prijatelji moji ako tvorite što vam ja zapovijedam.
15 Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
Više vas ne nazivam slugama; jer sluga ne zna šta radi gospodar njegov: nego vas nazvah prijateljima; jer vam sve kazah što èuh od oca svojega.
16 Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
Vi mene ne izbraste, nego ja vas izbrah, i postavih vas da vi idete i rod rodite; i da vaš rod ostane, da što god zaištete u oca u ime moje da vam da.
17 Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.
Ovo vam zapovijedam da imate ljubav meðu sobom.
18 “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini.
Ako svijet na vas uzmrzi, znajte da na mene omrznu prije vas.
19 Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai.
Kad biste bili od svijeta, onda bi svijet svoje ljubio: a kako nijeste od svijeta, nego vas ja od svijeta izbrah, zato mrzi na vas svijet.
20 Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu.
Opominjite se rijeèi koju vam ja rekoh: nije sluga veæi od gospodara svojega. Ako mene izgnaše, i vas æe izgnati; ako moju rijeè održaše, i vašu æe održati.
21 Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma.
Ali sve æe vam ovo èiniti za ime moje, jer ne poznaju onoga koji me posla.
22 Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo.
Da nijesam bio došao i govorio im ne bi grijeha imali; a sad izgovora neæe imati za grijeh svoj.
23 Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu.
Koji mrzi na mene i na oca mojega mrzi.
24 Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu.
Da nijesam bio djela tvorio meðu njima kojijeh niko drugi ne tvori, ne bi grijeha imali: a sad i vidješe, i omrznuše na mene i na oca mojega.
25 Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’
Ali da se zbude rijeè napisana u zakonu njihovom: omrznuše na mene ni za što.
26 “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.
A kad doðe utješitelj, koga æu vam poslati od oca, Duh istine, koji od oca izlazi, on æe svjedoèiti za mene.
27 Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.
A i vi æete svjedoèiti, jer ste od poèetka sa mnom.

< Johani 15 >