< Johani 14 >
1 “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.
Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
2 Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
3 Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.
Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
4 Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.”
Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
5 Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?”
Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
6 Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri.
7 Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
8 Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.”
Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
9 Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’
Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
10 Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo.
Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
11 Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona.
Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.
12 Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
13 Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.
Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
14 Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
15 “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
16 Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, (aiōn )
Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi, (aiōn )
17 iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.
Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
18 Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.
19 Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu.
Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama.
20 Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri.
Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
21 Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”
Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
22 Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?”
Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
23 Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.
Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
24 Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.
Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma.
25 “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi.
Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
26 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.
Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri.
27 Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya.
28 “Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini.
Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
29 Ndagara ndakuudzai zvichigere kuitika, kuitira kuti pazvinenge zvoitika mugozotenda.
Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda.
30 Handichazotauri nemi kwenguva refu, nokuti muchinda wenyika ino ari kuuya. Haana chinhu pandiri,
Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri;
31 asi nyika inofanira kudzidza kuti ndinoda Baba uye kuti ndinoita chaizvo zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu. “Uyai zvino; ngatibvei pano.
asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.