< Johani 10 >

1 “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.
Truly I say to you, He who does not go through the door into the place where the sheep are kept, but gets in by some other way, is a thief and an outlaw.
2 Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.
He who goes in by the door is the keeper of the sheep.
3 Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.
The porter lets him in; and the sheep give ear to his voice; he says over the names of the sheep, and takes them out.
4 Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
When he has got them all out, he goes before them, and the sheep go after him, for they have knowledge of his voice.
5 Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”
They will not go after another who is not their keeper, but will go from him in flight, because his voice is strange to them.
6 Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.
In this Jesus was teaching them in the form of a story: but what he said was not clear to them.
7 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
So Jesus said again, Truly I say to you, I am the door of the sheep.
8 Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
All who came before me are thieves and outlaws: but the sheep did not give ear to them.
9 Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
I am the door: if any man goes in through me he will have salvation, and will go in and go out, and will get food.
10 Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
The thief comes only to take the sheep and to put them to death: he comes for their destruction: I have come so that they may have life and have it in greater measure.
11 “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
I am the good keeper of sheep: the good keeper gives his life for the sheep.
12 Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
He who is a servant, and not the keeper or the owner of the sheep, sees the wolf coming and goes in flight, away from the sheep; and the wolf comes down on them and sends them in all directions:
13 Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.
Because he is a servant he has no interest in the sheep.
14 “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,
I am the good keeper; I have knowledge of my sheep, and they have knowledge of me,
15 Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
Even as the Father has knowledge of me and I of the Father; and I am giving my life for the sheep.
16 Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.
And I have other sheep which are not of this field: I will be their guide in the same way, and they will give ear to my voice, so there will be one flock and one keeper.
17 Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.
For this reason am I loved by the Father, because I give up my life so that I may take it again.
18 Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
No one takes it away from me; I give it up of myself. I have power to give it up, and I have power to take it again. These orders I have from my Father.
19 Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.
There was a division again among the Jews because of these words.
20 Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”
And a number of them said, He has an evil spirit and is out of his mind; why do you give ear to him?
21 Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”
Others said, These are not the words of one who has an evil spirit. Is it possible for an evil spirit to make blind people see?
22 Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,
Then came the feast of the opening of the Temple in Jerusalem: it was winter;
23 uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.
And Jesus was walking in the Temple, in Solomon's covered way.
24 VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
Then the Jews came round him, saying, how long are you going to keep us in doubt? If you are the Christ, say so clearly.
25 Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,
Jesus said in answer, I have said it and you have no belief: the works which I do in my Father's name, these give witness about me.
26 asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu.
But you have no belief because you are not of my sheep.
27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
My sheep give ear to my voice, and I have knowledge of them, and they come after me:
28 Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
And I give them eternal life; they will never come to destruction, and no one will ever take them out of my hand. (aiōn g165, aiōnios g166)
29 Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.
That which my Father has given to me has more value than all; and no one is able to take anything out of the Father's hand.
30 Ini naBaba tiri vamwe.”
I and my Father are one.
31 VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,
Then the Jews took up stones again to send at him.
32 asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”
Jesus said to them in answer, I have let you see a number of good works from the Father; for which of those works are you stoning me?
33 Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
This was their answer: We are not stoning you for a good work but for evil words; because being a man you make yourself God.
34 Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?
In answer, Jesus said, Is there not a saying in your law, I said, You are gods?
35 Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,
If he said they were gods, to whom the word of God came (and the Writings may not be broken),
36 zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?
Do you say of him whom the Father made holy and sent into the world, Your words are evil; because I said, I am God's Son?
37 Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.
If I am not doing the works of my Father, do not have belief in me;
38 Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”
But if I am doing them, then have belief in the works even if you have no belief in me; so that you may see clearly and be certain that the Father is in me and I am in the Father.
39 Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.
Then again they made an attempt to take him; but he got away from them.
40 Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ikoko
And he went again to the other side of the Jordan, to the place where John first gave baptism; and he was there for a time.
41 uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”
And a great number of people came to him, saying, John did no sign: but everything John said of this man was true.
42 Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.
And a number came to have faith in him there.

< Johani 10 >