< Joere 1 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
The word of the LORD that came to Joel the son of Pethuel.
2 Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?
Hear this, you old men, and give ear, all you inhabitants of the land. Has this been in your days, or even in the days of your fathers?
3 Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.
Tell you your children of it, and let your children tell their children, and their children another generation.
4 Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
That which the palmerworm has left has the locust eaten; and that which the locust has left has the cankerworm eaten; and that which the cankerworm has left has the caterpillar eaten.
5 Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
Awake, you drunkards, and weep; and howl, all you drinkers of wine, because of the new wine; for it is cut off from your mouth.
6 Rudzi rwarwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
For a nation is come up on my land, strong, and without number, whose teeth are the teeth of a lion, and he has the cheek teeth of a great lion.
7 Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.
He has laid my vine waste, and barked my fig tree: he has made it clean bore, and cast it away; the branches thereof are made white.
8 Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.
Lament like a virgin girded with sackcloth for the husband of her youth.
9 Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.
The meat offering and the drink offering is cut off from the house of the LORD; the priests, the LORD’s ministers, mourn.
10 Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina.
The field is wasted, the land mourns; for the corn is wasted: the new wine is dried up, the oil languishes.
11 Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa.
Be you ashamed, O you farmers; howl, O you vinedressers, for the wheat and for the barley; because the harvest of the field is perished.
12 Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wasvava.
The vine is dried up, and the fig tree languishes; the pomegranate tree, the palm tree also, and the apple tree, even all the trees of the field, are withered: because joy is withered away from the sons of men.
13 Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.
Gird yourselves, and lament, you priests: howl, you ministers of the altar: come, lie all night in sackcloth, you ministers of my God: for the meat offering and the drink offering is withheld from the house of your God.
14 Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene; danai vanhu kuungano tsvene. Kokai vakuru navose vanogara munyika kuimba yaJehovha Mwari wedu, mugodana kuna Jehovha.
Sanctify you a fast, call a solemn assembly, gather the elders and all the inhabitants of the land into the house of the LORD your God, and cry to the LORD,
15 Rinotyisa sei zuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.
Alas for the day! for the day of the LORD is at hand, and as a destruction from the Almighty shall it come.
16 Ko, zvokudya hazvina kubviswa here pamberi pedu chaipo, mufaro nokufarisisa kubva mumba maMwari wedu?
Is not the meat cut off before our eyes, yes, joy and gladness from the house of our God?
17 Mbeu dzinopetana dzisati dzamera pasi pevhu, matura aparara, tsapi dzaputswa nokuti hapachina zviyo.
The seed is rotten under their clods, the garners are laid desolate, the barns are broken down; for the corn is withered.
18 Mombe dzinogomera sei! Matanga emombe odzungaira nokuda kwokushayiwa mafuro. Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.
How do the beasts groan! the herds of cattle are perplexed, because they have no pasture; yes, the flocks of sheep are made desolate.
19 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapisa mafuro, uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.
O LORD, to you will I cry: for the fire has devoured the pastures of the wilderness, and the flame has burned all the trees of the field.
20 Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri; nokuti hova dzesango dzapwa uye moto waparadza mafuro ose.
The beasts of the field cry also to you: for the rivers of waters are dried up, and the fire has devoured the pastures of the wilderness.

< Joere 1 >