< Joere 3 >
1 “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,
Tazama, katika siku hizo na wakati huo, nitakaporudi mateka wa Yuda na Yerusalemu,
2 ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu.
Nami nitakusanya mataifa yote, na kuwaleta mpaka bonde la Yehoshafati. Nitawahukumu huko, kwa sababu ya watu wangu na warithi wangu Israeli, ambao waliwatawanya kati ya mataifa, na kwa sababu waligawanya nchi yangu.
3 Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvifeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe.
Wamepiga kura kwa ajili ya watu wangu, walinunua kijana kwa ajili ya kahaba, kuuza msichana kwa divai ili waweze kunywa.
4 “Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.
Sasa, kwa nini unanikasirikia, Tiro, Sidoni na mikoa yote ya Wafilisti? Je! mutanirudishia malipo? Hata kama mutanilipa, mara moja nitawarudishia malipo yenu juu ya vichwa vyenu wenyewe.
5 Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.
Kwa maana mumechukua fedha zangu na dhahabu zangu, nanyi mukachukua hazina zangu za thamani na kuzileta katika hekalu zenu.
6 Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.
Mumewauza watu wa Yuda na Yerusalemu kwa Wayunani, ili kuwaondoa mbali na maeneo yao.
7 “Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.
Tazama, nitawaamsha, watoke mahali ambako muliwauza, na nitawarudishia malipo juu ya vichwa vyenu wenyewe.
8 Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.
Nitawauza wana wako na binti zako, kwa mkono wa watu wa Yuda. Wao watawauza Sheba, kwa taifa mbali. Kwa maana Bwana amesema.
9 Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.
Tangaza hii kati ya mataifa, 'Jitayarisheni wenyewe kwa ajili ya vita, waamsheni mashujaa, waacheni wakaribie, mashujaa wote wa vita wapande juu.
10 Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”
Yafueni majembe yenu kuwa panga na visu vyenu vya kuchongea kuwa mikuki. Basi wadhaifu waseme, 'Nina nguvu.'
11 Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.
Haraka na mje, mataifa yote ya karibu, jikusanyeni pamoja huko. Ee Bwana, washushe mashujaa wako.
12 “Ndudzi dzose ngadzimutswe; ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichagara pasi kuti nditonge ndudzi dzose kumativi ose enyika.
Naam, mataifa yajihimize yenyewe kuja hadi bonde la Yehoshafati. Kwa maana nitakaa huko kuhukumu mataifa yote ya jirani.
13 Shandisai jeko, nokuti gohwo raibva. Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu, nokuti chisviniro chazara, uye zvirongo zvopfachukira, uku ndiko kukura kwakaita kuipa kwavo.”
Wekeni katiki mundu, kwa maana mavuno yameiva. Njoo, muponde zabibu, kwa ajiri pipa la divai limejaa. Vipuri vilivyofurika, kwa sababu uovu wao ni mkubwa sana.
14 Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji, vari mumupata wokutonga. Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga.
Kuna mshtuko, mshtuko katika bonde la Hukumu. Kwa maana siku ya Bwana i karibu katika bonde la hukumu.
15 Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima.
Jua na mwezi vinakuwa giza, nyota zimeacha kuangaza.
16 Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.
Bwana ataunguruma kutoka Sayuni, na kuinua sauti yake kutoka Yerusalemu. Mbingu na nchi zitatikisika, lakini Bwana atakuwa makao kwa ajili ya watu wake, na ngome kwa wana wa Israeli.
17 “Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu, ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene. Jerusarema richava dzvene; vatorwa havachazorirwisazve.
Kwa hiyo mtajua ya kuwa mimi ndimi Bwana, Mungu wenu, anayeishi Sayuni, mlima wangu mtakatifu. Kisha Yerusalemu itakuwa takatifu, na hakuna jeshi litaklozunguka tena.
18 “Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva, uye zvikomo zvichaerera mukaka; hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura. Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha, uye chichadiridzira mupata wemiti yemiunga.
Katika siku hiyo, milima itatayarisha divai nzuri, milima itatiririsha maziwa, miito yote ya Yuda itapita katikati ya maji, na chemchemi zitakuja kutoka nyumba ya Bwana na maji ya bonde la Shitimu.
19 Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.
Misri itakuwa ukiwa, na Edomu itakuwa jangwa tupu, kwa sababu ya vurugu iliyofanyika kwa watu wa Yuda, kwa sababu walimwaga damu isiyo na hatia katika nchi yao.
20 MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Lakini Yuda utakua mwenyeji milele, na Yerusalemu itakuwa kizazi hata kizazi.
21 Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera, ndichairegerera,
Nitawalipizia damu yao, ambayo sijajilipizia kisasi, kwa maana Bwana anaishi Sayuni.