< Joere 3 >

1 “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,
“到那日,我使犹大和耶路撒冷被掳之人归回的时候,
2 ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu.
我要聚集万民,带他们下到约沙法谷,在那里施行审判;因为他们将我的百姓,就是我的产业以色列,分散在列国中,又分取我的地土,
3 Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvifeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe.
且为我的百姓拈阄,将童子换妓女,卖童女买酒喝。
4 “Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.
“泰尔、西顿,和非利士四境的人哪,你们与我何干?你们要报复我吗?若报复我,我必使报应速速归到你们的头上。
5 Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.
你们既然夺取我的金银,又将我可爱的宝物带入你们宫殿,
6 Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.
并将犹大人和耶路撒冷人卖给希腊人,使他们远离自己的境界。
7 “Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.
我必激动他们离开你们所卖到之地,又必使报应归到你们的头上。
8 Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.
我必将你们的儿女卖在犹大人的手中,他们必卖给远方示巴国的人。这是耶和华说的。”
9 Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.
当在万民中宣告说: 要预备打仗; 激动勇士, 使一切战士上前来。
10 Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”
要将犁头打成刀剑, 将镰刀打成戈矛; 软弱的要说:我有勇力。
11 Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.
四围的列国啊, 你们要速速地来, 一同聚集。 耶和华啊, 求你使你的大能者降临。
12 “Ndudzi dzose ngadzimutswe; ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichagara pasi kuti nditonge ndudzi dzose kumativi ose enyika.
万民都当兴起, 上到约沙法谷; 因为我必坐在那里, 审判四围的列国。
13 Shandisai jeko, nokuti gohwo raibva. Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu, nokuti chisviniro chazara, uye zvirongo zvopfachukira, uku ndiko kukura kwakaita kuipa kwavo.”
开镰吧!因为庄稼熟了; 践踏吧!因为酒榨满了。 酒池盈溢; 他们的罪恶甚大。
14 Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji, vari mumupata wokutonga. Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga.
许多许多的人在断定谷, 因为耶和华的日子临近断定谷。
15 Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima.
日月昏暗, 星宿无光。
16 Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.
耶和华必从锡安吼叫, 从耶路撒冷发声, 天地就震动。 耶和华却要作他百姓的避难所, 作以色列人的保障。
17 “Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu, ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene. Jerusarema richava dzvene; vatorwa havachazorirwisazve.
你们就知道我是耶和华—你们的 神, 且又住在锡安—我的圣山。 那时,耶路撒冷必成为圣; 外邦人不再从其中经过。
18 “Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva, uye zvikomo zvichaerera mukaka; hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura. Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha, uye chichadiridzira mupata wemiti yemiunga.
到那日,大山要滴甜酒; 小山要流奶子; 犹大溪河都有水流。 必有泉源从耶和华的殿中流出来, 滋润什亭谷。
19 Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.
埃及必然荒凉, 以东变为凄凉的旷野, 都因向犹大人所行的强暴, 又因在本地流无辜人的血。
20 MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.
但犹大必存到永远; 耶路撒冷必存到万代。
21 Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera, ndichairegerera,
我未曾报复流血的罪, 现在我要报复, 因为耶和华住在锡安。

< Joere 3 >