< Joere 2 >

1 Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo,
Vuthelani icilongo eZiyoni; hlabani umkhosi entabeni yami engcwele. Bonke abahlala elizweni kabathuthumele, ngoba usuku lukaThixo luyeza. Selusondele, selufikile,
2 zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
usuku lomnyama lokudana, usuku lwamayezi lobumnyama. Njengokusa kusendlaleka phezu kwezintaba, liyeza ibutho elikhulu elilamandla elingazange libe khona endulo kumbe libe khona eminyakeni ezayo.
3 Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
Phambi kwabo umlilo uyatshisa, ngemva kwabo amalangabi ayavutha. Phambi kwabo ilizwe linjengensimu yase-Edeni ngemva kwabo yinkangala elugwadule, akukho okubaphunyukayo.
4 Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
Bakhangeleka benjengamabhiza; bamatha njengamabhiza empi.
5 Nokutinhira sokwengoro dzinokwakuka pamusoro pamakomo dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
Ngomsindo onjengowezinqola zempi, beqa phezu kwezingqongo zezintaba, njengamabibi omlilo etshisa inhlanga, njengebutho elilamandla selilungele impi.
6 Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
Ekubaboneni nje, izizwe zizwa ubuhlungu; ubuso bonke buyadana.
7 Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
Bahlasela njengamaqhawe; bakhwele imiduli njengamabutho. Bonke bahamba beludwendwe bengaphambuki endleleni yabo.
8 Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
Kabasunduzani; lowo lalowo uhamba eqonde phambili. Badabula phakathi kwezivikelo kungekho kwehlukana kubo.
9 Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.
Baya ngesiqubu edolobheni; bagijima besekele umduli. Bayakhwela bangene ezindlini; bangena ngamawindi njengamasela.
10 Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.
Umhlaba uyanyikinyeka phambi kwabo; umkhathi uyaqhaqhazela, ilanga lenyanga kube mnyama, lezinkanyezi kazisakhanyisi.
11 Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?
UThixo uyakhwaza phambi kwebutho lakhe; amabutho akhe angeke abalwe, njalo balamandla labo abalalela ukulaya kwakhe. Usuku lukaThixo lukhulu; luyesabeka. Ngubani ongalumela na?
12 Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
“Lakhathesi,” kutsho uThixo, “phendukelani kimi ngenhliziyo zenu zonke, ngokuzila langokukhala lokulila.”
13 Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
Dabulani inhliziyo zenu hatshi izigqoko zenu. Buyelani kuThixo uNkulunkulu wenu, ngoba ulomusa lesihawu, uyaphuza ukuthukuthela, ulothando olukhulu, njalo uyaxola ukuthumela umonakalo.
14 Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
Ngubani owaziyo? Engxenye angaphenduka abe lesihawu atshiye isibusiso, iminikelo yamabele leminikelo yokunathwayo kaThixo uNkulunkulu wenu.
15 Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.
Vuthelani icilongo eZiyoni, memezelani ukuzila okungcwele, bizani ibandla elingcwele.
16 Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake.
Buthanisani abantu, ngcwelisani ibandla; hlanganisani abadala, buthanisani abantwana labo abamunyayo. Umyeni katshiye indlu yakhe lomlobokazi atshiye ikamelo lakhe.
17 Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’”
Abaphristi abakhonzayo phambi kukaThixo, kabakhale bephakathi laphakathi kwentuba le-alithari. Kabathi, “Awu Thixo, zwela abantu bakho. Ungenzi ilifa lakho libe yinto yokuhlekwa, isiga phakathi kwezizwe. Kungani phakathi kwezizwe kumele bathi, ‘Ungaphi uNkulunkulu wabo?’”
18 Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
Lapho-ke uThixo uzakuba lobukhwele ngelizwe lakhe abe lesihawu ebantwini bakhe.
19 Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
UThixo uzabaphendula athi: “Ngiyalithumela amabele lewayini elitsha lamafutha, okwaneleyo ukulisuthisa ngokugcweleyo; angiyikuphinda futhi ukulenza into yokuhlekisa ezizweni.
20 “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira; kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
Ibutho lasenyakatho ngizalixotshela khatshana lani, ngilifuqele elizweni elomileyo elilugwadule, amaviyo alo aphambili esiya olwandle lwasempumalanga lawo angemuva esiya olwandle lwasentshonalanga. Iphunga lalo elibi lizakuya phezulu, umnuko walo uzaphakama.” Ngempela wenze izinto ezinkulu ezimangalisayo.
21 Usatya iwe nyika; fara zvako upembere. Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
Ungesabi, wena lizwe; thaba uthokoze. Impela uThixo wenze izinto ezinkulu.
22 Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
Lingesabi, lina zinyamazana zeganga, ngoba amadlelo asesiba luhlaza. Izihlahla sezithela izithelo zazo; imikhiwa lemivini kuthela kakhulu.
23 Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
Thabani, lina bantu baseZiyoni, thokozani kuThixo uNkulunkulu wenu ngoba ulinike izulu lekwindla ngokulunga. Ulilethela izulu elinengi kanye lezulu lekwindla lelentwasa, njengakuqala.
24 Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
Iziza zizagcwala amabele; izikhamelo zizaphuphuma iwayini lamafutha.
25 “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
“Ngizalihlawula okwaleyo minyaka lokho okwadliwa zintethe, lesikhonyane lobuyane, ezinye izintethe kanye lemitshitshi yezintethe, ibutho lami elikhulu engalithumela kini.
26 Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
Lizakuba lokudla okunengi lize lisuthe, njalo lizadumisa ibizo likaThixo uNkulunkulu wenu, olenzele izimangaliso; abantu bami kabayikuphinda bayangeke futhi.
27 Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
Ngakho lizakwazi ukuthi ngiko-Israyeli, lokuthi mina nginguThixo uNkulunkulu wenu, kanye lokuthi kakho omunye; abantu bami kabayikuphinda bayangeke futhi.”
28 “Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.
“Emva kwalokho, ngizathululela uMoya wami kubo bonke abantu. Amadodana lamadodakazi enu azaphrofitha, izinsizwa zenu zizabona imibono, lamaxhegu enu azaphupha amaphupho.
29 Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
Lasezincekwini zami, ezesilisa lezesifazane, ngizawuthulula uMoya wami ngalezonsuku.
30 Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
Ngizabonakalisa izimangaliso emazulwini lasemhlabeni, igazi lomlilo lezikhatha zentuthu.
31 Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
Ilanga lizaphendulwa libe yibumnyama lenyanga ibeligazi phambi kokuba kufike usuku olukhulu lukaThixo, olwesabekayo.
32 Uye ani naani anodana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso, sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.
Njalo wonke obiza ibizo likaThixo uzasindiswa; ngoba eNtabeni iZiyoni laseJerusalema kuzakuba lokukhululwa, njengoba uThixo etshilo, iloba phakathi kwabasindileyo labo ababizwa nguThixo.”

< Joere 2 >