< Joere 2 >
1 Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo,
Let the horn be sounded in Zion, and a war-cry in my holy mountain; let all the people of the land be troubled: for the day of the Lord is coming;
2 zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
For a day of dark and deep shade is near, a day of cloud and black night: like a black cloud a great and strong people is covering the mountains; there has never been any like them and will not be after them again, from generation to generation.
3 Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
Before them fire sends destruction, and after them flame is burning: the land is like the garden of Eden before them, and after them an unpeopled waste; truly, nothing has been kept safe from them.
4 Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
Their form is like the form of horses, and they are running like war-horses.
5 Nokutinhira sokwengoro dzinokwakuka pamusoro pamakomo dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
Like the sound of war-carriages they go jumping on the tops of the mountains; like the noise of a flame of fire burning up the grain-stems, like a strong people lined up for the fight.
6 Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
At their coming the people are bent with pain: all faces become red together.
7 Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
They are running like strong men, they go over the wall like men of war; every man goes straight on his way, their lines are not broken.
8 Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
No one is pushing against another; everyone goes straight on his way: bursting through the sword points, their order is not broken.
9 Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.
They make a rush on the town, running on the wall; they go up into the houses and in through the windows like a thief.
10 Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.
The earth is troubled before them and the heavens are shaking: the sun and the moon have become dark, and the stars keep back their shining:
11 Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?
And the Lord is thundering before his forces; for very great is his army; for he is strong who gives effect to his word: for the day of the Lord is great and greatly to be feared, and who has strength against it?
12 Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
But even now, says the Lord, come back to me with all your heart, keeping from food, with weeping and with sorrow:
13 Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
Let your hearts be broken, and not your clothing, and come back to the Lord your God: for he is full of grace and pity, slow to be angry and great in mercy, ready to be turned from his purpose of punishment.
14 Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
May it not be that he will again let his purpose be changed and let a blessing come after him, even a meal offering and a drink offering for the Lord your God?
15 Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.
Let a horn be sounded in Zion, let a time be fixed for going without food, have a holy meeting:
16 Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake.
Get the people together, make the mass of the people holy, send for the old men, get together the children and babies at the breast: let the newly married man come out of his room and the bride from her tent.
17 Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’”
Let the priests, the servants of the Lord, be weeping between the covered way and the altar, and let them say, Have mercy on your people, O Lord, do not give up your heritage to shame, so that the nations become their rulers: why let them say among the peoples, Where is their God?
18 Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
Then the Lord had a care for the honour of his land and had pity on his people.
19 Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
And the Lord made answer and said to his people, See, I will send you grain and wine and oil in full measure: and I will no longer let you be shamed among the nations:
20 “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira; kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
I will send the one from the north far away from you, driving him into a dry and waste land, with his front to the sea of the east and his back to the sea of the west, and the smell of him will go up, even his evil smell will go up.
21 Usatya iwe nyika; fara zvako upembere. Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
Have no fear, O land; be glad with great joy; for the Lord has done great things.
22 Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
Have no fear, you beasts of the field, for the grass-lands of the waste are becoming green, for the trees are producing fruit, the fig-tree and the vine give out their strength.
23 Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
Be glad, then, you children of Zion, and have joy in the Lord your God: for he gives you food in full measure, making the rain come down for you, the early and the late rain as at the first.
24 Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
And the floors will be full of grain, and the crushing-places overflowing with wine and oil.
25 “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
I will give back to you the years which were food for the locust, the plant-worm, the field-fly, and the worm, my great army which I sent among you.
26 Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
You will have food in full measure, and give praise to the name of the Lord your God, who has done wonders for you:
27 Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
And you will be certain that I am in Israel, and that I am the Lord your God, and there is no other: and my people will never be shamed.
28 “Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.
And after that, it will come about, says the Lord, that I will send my spirit on all flesh; and your sons and your daughters will be prophets, your old men will have dreams, your young men will see visions:
29 Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
And on the servants and the servant-girls in those days I will send my spirit.
30 Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
And I will let wonders be seen in the heavens and on the earth, blood and fire and pillars of smoke.
31 Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
The sun will be made dark and the moon turned to blood, before the great day of the Lord comes, a day to be feared.
32 Uye ani naani anodana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso, sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.
And it will be that whoever makes his prayer to the name of the Lord will be kept safe: for in Mount Zion and in Jerusalem some will be kept safe, as the Lord has said, and will be among the small band marked out by the Lord.