< Jobho 9 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
UJobe wasephendula wathi:
2 “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?
Ngeqiniso ngiyazi ukuthi kunjalo. Kodwa umuntu angalunga njani kuNkulunkulu?
3 Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru.
Uba efisa ukuphikisana laye, kayikumphendula okukodwa phakathi kwenkulungwane.
4 Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
Uhlakaniphile enhliziyweni, uqinile emandleni: Ngubani oziqinisileyo wamelana laye waphumelela?
5 Anofambisa makomo iwo asingazivi agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru.
Osusa izintaba njalo zingazi, ozigenqula entukuthelweni yakhe.
6 Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.
Onyikinya umhlaba awususe endaweni yawo, lensika zawo zizamazame.
7 Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi.
Olaya ilanga ukuthi lingaphumi, avalele inkanyezi ngophawu.
8 Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.
Owendlala amazulu eyedwa, anyathele phezu kwezingqonga zolwandle.
9 Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni, dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
Owenza iBhere, iziNja, lesiLimela, lamakamelo eningizimu.
10 Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
Owenza izinto ezinkulu ezingelakuhlolwa, lezimangalisayo ezingelakubalwa.
11 Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.
Khangela, uyedlula phansi kwami ngingamboni, edlulele phambili ngingamuzwa.
12 Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
Khangela, uyahluthuna, ngubani ongamnqanda? Ngubani ongathi kuye: Wenzani?
13 Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya.
UNkulunkulu kayinqandi intukuthelo yakhe. Abasizi bakaRahabi bayakhothama phansi kwakhe.
14 “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
Pho-ke, mina ngingamphendula ngithini, ngikhethe amazwi ami okuqondana laye?
15 Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
Ebengingeke ngamphendula loba bengilungile; ngizacela isihawu kumahluleli wami.
16 Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa.
Uba bengibizile, wangiphendula, bengingayikukholwa ukuthi ubekile indlebe elizwini lami.
17 Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
Ngoba uyangihlifiza ngesiphepho, andise amanxeba ami kungelasizatho.
18 Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko.
Kangivumeli ukukhokha umoya, kodwa engigcwalisa ngezinto ezibabayo.
19 Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?
Uba kungamandla, khangela, ulamandla. Njalo uba kungesahlulelo, ngubani ozangibiza?
20 Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.
Aluba ngilungile, umlomo wami uzangilahla; uba ngiphelele, uzakuthi ngonakele.
21 “Kunyange ndisina mhosva, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.
Ngiphelele, angikhathaleli umphefumulo wami, ngidelela impilo yami.
22 Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’
Kunye lokho, ngenxa yalokho ngithi: Uyabhubhisa olungileyo lomubi.
23 Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.
Lapho isiswepu sibulala ngokujumayo, uzahleka ukudangala kwabangelacala.
24 Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?
Umhlaba unikelwe esandleni somubi; wembesa ubuso babehluleli bawo. Uba kungenjalo, pho, ngubani?
25 “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka oenda asina kumboona mufaro.
Njalo insuku zami zilejubane kulesigijimi; ziyabaleka, kaziboni okuhle.
26 Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
Ziyedlula njengezikepe zomhlanga, njengokhozi olutheleka empangweni.
27 Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’
Uba ngisithi: Ngizakhohlwa ukusola kwami, ngitshiye ukunyukumala kwami, ngithokoze,
28 ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.
ngiyesaba zonke insizi zami, ngiyazi ukuthi kawuyikungiphatha njengongelacala.
29 Sezvo ndatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina?
Ngilecala mina, pho, ngizatshikatshikelelani ize?
30 Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda,
Uba ngizigezisa ngamanzi eliqhwa elikhithikileyo, ngihlambulule izandla zami ngesepa,
31 imi muchandinyudza mugomba rematope zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema.
khona uzangiphosela emgodini, besengisenyanywa yizigqoko zami.
32 “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.
Ngoba kasuye umuntu njengami ukuze ngimphendule, ukuze siye ndawonye kusahlulelo.
33 Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose,
Kakukho umqamuli phakathi kwethu ongabeka isandla sakhe phezu kwethu sobabili.
34 mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.
Kasuse uswazi lwakhe kimi, njalo uvalo ngaye lungangethusi.
35 Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.
Bengingakhuluma ngingamesabi, kodwa anginjalo ngokwami.

< Jobho 9 >