< Jobho 9 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
And Job answers and says:
2 “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?
“Truly I have known that [it is] so, But how is man righteous with God?
3 Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru.
If he delights to strive with Him—He does not answer him one of a thousand.
4 Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
Wise in heart and strong in power—Who has hardened toward Him and is at peace?
5 Anofambisa makomo iwo asingazivi agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru.
Who is removing mountains, And they have not known, Who has overturned them in His anger.
6 Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.
Who is shaking earth from its place, And its pillars move themselves.
7 Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi.
Who is commanding to the sun, and it does not rise, And the stars He seals up.
8 Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.
Stretching out the heavens by Himself, And treading on the heights of the sea,
9 Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni, dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
Making the Great Bear, Orion, and the Pleiades, And the inner chambers of the south.
10 Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
Doing great things until there is no searching, And wonderful, until there is no numbering.
11 Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.
Behold, He goes over by me, and I do not see, And He passes on, and I do not attend to it.
12 Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
Behold, He snatches away, who brings it back? Who says to Him, What [are] You doing?
13 Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya.
God does not turn back His anger, Proud helpers have bowed under Him.
14 “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
How much less do I answer Him? Choose out my words with Him?
15 Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
Whom, though I were righteous, I do not answer, For my judgment I make supplication.
16 Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa.
Though I had called and He answers me, I do not believe that He gives ear [to] my voice.
17 Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
Because He bruises me with a storm, And has multiplied my wounds for nothing.
18 Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko.
He does not permit me to refresh my spirit, But fills me with bitter things.
19 Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?
If of power, behold, the Strong One; And if of judgment—who convenes me?
20 Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.
If I am righteous, my mouth declares me wicked; [If] I am perfect, it declares me perverse.
21 “Kunyange ndisina mhosva, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.
I am perfect; I do not know my soul, I despise my life.
22 Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’
It is the same thing, therefore I said, He is consuming the perfect and the wicked.
23 Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.
If a scourge puts to death suddenly, He laughs at the trial of the innocent.
24 Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?
Earth has been given Into the hand of the wicked. He covers the faces of her judges, If not—where, who [is] he?
25 “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka oenda asina kumboona mufaro.
My days have been swifter than a runner, They have fled, they have not seen good,
26 Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
They have passed on with ships of reed, As an eagle darts on food.
27 Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’
Though I say, I forget my talking, I forsake my corner, and I brighten up!
28 ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.
I have been afraid of all my griefs, I have known that You do not acquit me.
29 Sezvo ndatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina?
I become wicked; why [is] this? I labor [in] vain.
30 Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda,
If I have washed myself with snow-water, And purified my hands with soap,
31 imi muchandinyudza mugomba rematope zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema.
Then You dip me in corruption, And my garments have detested me.
32 “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.
But if a man like myself—I answer Him, We come together into judgment.
33 Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose,
If there were a mediator between us, He places his hand on us both.
34 mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.
He turns aside His rod from off me, And His terror does not make me afraid,
35 Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.
I speak, and do not fear Him, but I am not right with myself.”

< Jobho 9 >