< Jobho 8 >
1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2 “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
“Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
3 Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
4 Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo.
Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo.
5 Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
6 kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
7 Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira.
Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira.
8 “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
“Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
9 nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
10 Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11 Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12 Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
13 Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
14 Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
15 Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.
Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.
16 Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
17 unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
18 Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
19 Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
20 “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
“Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
21 Achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.
Achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.
22 Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa, uye matende avakaipa haachazovapozve.”
Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa, uye matende avakaipa haachazovapozve.”