< Jobho 8 >

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
Then Bildad the Shuhite answered,
2 “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
"How long will you speak these things? Shall the words of your mouth be a mighty wind?
3 Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
Does God pervert justice? Or does Shaddai pervert righteousness?
4 Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo.
If your children have sinned against him, He has delivered them into the hand of their disobedience.
5 Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
If you want to seek God diligently, make your petition to Shaddai.
6 kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
If you were pure and upright, surely now he would awaken for you, and make the habitation of your righteousness prosperous.
7 Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira.
Though your beginning was small, yet your latter end would greatly increase.
8 “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
"Please inquire of past generations. Find out about the learning of their fathers.
9 nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
(For we are but of yesterday, and know nothing, because our days on earth are a shadow.)
10 Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
Shall they not teach you, tell you, and utter words out of their heart?
11 Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
"Can the papyrus grow up without mire? Can the rushes grow without water?
12 Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
While it is yet in its greenness, not cut down, it withers before any other reed.
13 Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
So are the paths of all who forget God. The hope of the godless man shall perish,
14 Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
Whose confidence shall break apart, Whose trust is a spider's web.
15 Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.
He shall lean on his house, but it shall not stand. He shall cling to it, but it shall not endure.
16 Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
He is green before the sun. His shoots go forth over his garden.
17 unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
His roots are wrapped around the rock pile. He sees the place of stones.
18 Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
If he is destroyed from his place, then it shall deny him, saying, 'I have not seen you.'
19 Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
Look, this is the joy of his way: out of the earth, others shall spring.
20 “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
"Look, God will not cast away a blameless man, neither will he uphold the evildoers.
21 Achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.
He will still fill your mouth with laughter, your lips with shouting.
22 Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa, uye matende avakaipa haachazovapozve.”
Those who hate you shall be clothed with shame. The tent of the wicked shall be no more."

< Jobho 8 >