< Jobho 6 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Yobu n’ayanukula ng’agamba nti,
2 “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero!
“Singa okweraliikirira kwange, n’okubonaabona kwange bipimibwa ne biteekebwa ku minzaani!
3 Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka.
Weewaawo byandisinze omusenyu gw’ennyanja okuzitowa; ebigambo byange kyenvudde mbyanguyiriza.
4 Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni.
Obusaale bwa Ayinzabyonna buli mu nze n’omwoyo gwange gunywedde obusagwa bwabwo: entiisa ya Katonda erwana nange.
5 Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here?
Entulege ekaaba awali omuddo, oba ente ennume eŋŋooŋŋa awali emmere yaayo?
6 Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Ko, chichena chezai chinonaka here?
Emmere etaliimu nsa eriika omutali munnyo, oba amazzi g’eggi okubaamu akawoomerera?
7 Ndinoramba kuzvibata; zvokudya zvakadai zvinondirwarisa.
Omutima gwange tegusikirizibwa kubikombako, biri ng’emmere etangasa.
8 “Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira kuti Mwari andipe zvandinotarisira,
“Singa Katonda ampa kye nsaba, n’ampa kye nsuubira,
9 kuti dai Mwari aida hake kundipwanya, kuti aregere ruoko rwake rundiuraye!
yandisiimye okumbetenta ne mmalibwawo omukono gwe.
10 Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku, mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi, kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene.
Kino kyandikkakkanyizza obulumi obutakoma kubanga sigaanye bigambo bya Mutukuvu.
11 “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro? Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire?
Amaanyi ngaggya wa, ndyoke mbe n’essuubi? Era enkomerero yange, eruwa ndyoke ngumiikirize?
12 Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here?
Amaanyi gange ga mayinja oba omubiri gwange gwa kikomo?
13 Ko, ndine simba here rokuti ndione kuti ndabatsirika, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?
Mu mazima sirina maanyi n’obusobozi bwanzigwako.
14 “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.
Oyo agaana ebyekisa okuva eri mukwano gwe tafaayo kutya Ayinzabyonna.
15 Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira,
Baganda bange tebeesigika, bali ng’akagga akabooga ate ne kakalira,
16 dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nokunyungudika kwamagwada echando,
akaddugalirira buli lwe kakwata, ng’omuzira,
17 asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.
ate ne kaggwaawo buli lwe wabaawo ebbugumu.
18 Mihoronga inotsauka kubva munzira dzayo; inoenda kumakura ndokuparara.
Ebibinja by’abatambuze we biviira ku mugendo ne biraga mu ddungu ne bizikirira.
19 Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro.
Abatambuze b’e Teema banoonya, bo ab’e Seeba ne balindirira n’essuubi.
20 Vachaora mwoyo, nokuti vaivimba nesimba ravo; vasvikapo, vachashaya zvokuita.
Baalina essuubi naye bwe baatuukayo ne banyolwa nnyo.
21 Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.
Kaakano bwe mundabye ne mutya ne mukakasizza ddala nga temuliiko kye muyinza kukola.
22 Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,
Nnali mbagambye nti, ‘Mumpe ekirabo,’ oba nti, ‘Mumpeereyo ekintu ku by’obugagga bwammwe,
23 ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?
okumponya nve mu mukono gw’omulabe, n’okumpeerayo ekintu mpone emitego gy’abakambwe’?
24 “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa.
“Njigiriza nange n’aba musirise; ndaga we nsobezza.
25 Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko?
Ebigambo eby’amazima nga bya bulumi! Naye okuwakana kwammwe kukakasa ki?
26 Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?
Mugezaako okugolola ebigambo byange, ne mufuula ebigambo by’omuntu ali obubi okuba ng’empewo?
27 Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera uye nokutengesa shamwari yenyu.
Mukubira ne bamulekwa akalulu ate ne mukubira ne mukwano gwammwe.
28 “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?
“Naye kaakano mubeere ba kisa muntunuulire. Ndabika ng’omulimba?
29 Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kuchiripo.
Mufumiitirize, temusuula bwenkanya; Mukirowoozeeko, kubanga obujulirwa bwange buli ku kalebwerebwe.
30 Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here? Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here?
Emimwa gyange girabika ng’egirimba? Emimwa gyange tegisobola kutegeera ttima?”