< Jobho 6 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
ヨブは答えて言った、
2 “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero!
「どうかわたしの憤りが正しく量られ、同時にわたしの災も、はかりにかけられるように。
3 Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka.
そうすれば、これは海の砂よりも重いに相違ない。それゆえ、わたしの言葉が軽率であったのだ。
4 Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni.
全能者の矢が、わたしのうちにあり、わたしの霊はその毒を飲み、神の恐るべき軍勢が、わたしを襲い攻めている。
5 Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here?
野ろばは、青草のあるのに鳴くであろうか。牛は飼葉の上でうなるであろうか。
6 Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Ko, chichena chezai chinonaka here?
味のない物は塩がなくて食べられようか。すべりひゆのしるは味があろうか。
7 Ndinoramba kuzvibata; zvokudya zvakadai zvinondirwarisa.
わたしの食欲はこれに触れることを拒む。これは、わたしのきらう食物のようだ。
8 “Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira kuti Mwari andipe zvandinotarisira,
どうかわたしの求めるものが獲られるように。どうか神がわたしの望むものをくださるように。
9 kuti dai Mwari aida hake kundipwanya, kuti aregere ruoko rwake rundiuraye!
どうか神がわたしを打ち滅ぼすことをよしとし、み手を伸べてわたしを断たれるように。
10 Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku, mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi, kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene.
そうすれば、わたしはなお慰めを得、激しい苦しみの中にあっても喜ぶであろう。わたしは聖なる者の言葉を否んだことがないからだ。
11 “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro? Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire?
わたしにどんな力があって、なお待たねばならないのか。わたしにどんな終りがあるので、なお耐え忍ばねばならないのか。
12 Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here?
わたしの力は石の力のようであるのか。わたしの肉は青銅のようであるのか。
13 Ko, ndine simba here rokuti ndione kuti ndabatsirika, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?
まことに、わたしのうちに助けはなく、救われる望みは、わたしから追いやられた。
14 “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.
その友に対するいつくしみをさし控える者は、全能者を恐れることをすてる。
15 Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira,
わが兄弟たちは谷川のように、過ぎ去る出水のように欺く。
16 dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nokunyungudika kwamagwada echando,
これは氷のために黒くなり、そのうちに雪が隠れる。
17 asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.
これは暖かになると消え去り、暑くなるとその所からなくなる。
18 Mihoronga inotsauka kubva munzira dzayo; inoenda kumakura ndokuparara.
隊商はその道を転じ、むなしい所へ行って滅びる。
19 Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro.
テマの隊商はこれを望み、シバの旅びとはこれを慕う。
20 Vachaora mwoyo, nokuti vaivimba nesimba ravo; vasvikapo, vachashaya zvokuita.
彼らはこれにたよったために失望し、そこに来てみて、あわてる。
21 Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.
あなたがたは今わたしにはこのような者となった。あなたがたはわたしの災難を見て恐れた。
22 Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,
わたしは言ったことがあるか、『わたしに与えよ』と、あるいは『あなたがたの財産のうちからわたしのために、まいないを贈れ』と、
23 ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?
あるいは『あだの手からわたしを救い出せ』と、あるいは『しえたげる者の手からわたしをあがなえ』と。
24 “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa.
わたしに教えよ、そうすればわたしは黙るであろう。わたしの誤っている所をわたしに悟らせよ。
25 Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko?
正しい言葉はいかに力のあるものか。しかしあなたがたの戒めは何を戒めるのか。
26 Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?
あなたがたは言葉を戒めうると思うのか。望みの絶えた者の語ることは風のようなものだ。
27 Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera uye nokutengesa shamwari yenyu.
あなたがたは、みなしごのためにくじをひき、あなたがたの友をさえ売り買いするであろう。
28 “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?
今、どうぞわたしを見られよ、わたしはあなたがたの顔に向かって偽らない。
29 Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kuchiripo.
どうぞ、思いなおせ、まちがってはならない。さらに思いなおせ、わたしの義は、なおわたしのうちにある。
30 Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here? Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here?
わたしの舌に不義があるか。わたしの口は災をわきまえることができぬであろうか。