< Jobho 5 >
1 “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
“Koowoola kaakano, waliwo anaakuyitaba? Era ani ku batukuvu gw’onoolaajaanira?
2 Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.
Obukyayi butta atalina magezi, n’obuggya butta omusirusiru.
3 Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.
Ndabye abasirusiru nga banywevu, naye mangu ddala ne nkolimira ekifo kye batuulamu.
4 Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
Abaana baabwe tebalina bukuumi, babetenterwa mu luggya nga tewali abawolereza.
5 Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
Omuyala alya amakungula gaabwe era atwala n’ag’omu maggwa era awankirawankira eby’obugagga byabwe.
6 Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
Kubanga okulaba ennaku tekuva mu nsi, wadde obuzibu okuva mu ttaka,
7 Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
wabula abantu bazaalibwa kulaba nnaku, ng’ensasi bwe zibuuka waggulu.
8 “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
Naye nze, nzija kunoonya Katonda era mmulekere ensonga zange.
9 Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
Akola ebikulu, ebitanoonyezeka, ebyewuunyisa ebitabalika.
10 Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
Atonnyesa enkuba ku nsi, n’aweereza amazzi mu byalo.
11 Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.
Ayimusa abo abanyigirizibwa n’abo abakaaba ne basitulibwa mu mirembe.
12 Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
Aziyiza enkwe z’ababi, emikono gyabwe gireme okutuukiriza bye bateesa.
13 Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
Agwikiririza abagezigezi mu bukujjukujju bwabwe, n’enkwe zaabwe n’aziziyiriza ddala.
14 Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
Ekizikiza kibabuutikira emisana, ne bawammanta mu ttuntu ng’ekiro.
15 Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
Naye aggya abali mu bwetaavu mu mukono gw’abo ab’amaanyi, n’abawonya ekitala kyabwe.
16 Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.
Abaavu ne balyoka baba n’essuubi, n’akamwa k’abatali benkanya ne kazibibwa.
17 “Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
“Alina omukisa omuntu Katonda gw’abuulirira; noolwekyo tonyooma kukangavvula kw’oyo Ayinzabyonna.
18 Nokuti anopa vanga, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
Kubanga ye y’afumita ate era y’anyiga, y’alumya era y’awonya.
19 Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
Alikuwonya mu buzibu bwa ngeri mukaaga. Weewaawo ne mu ngeri musanvu tootuukibwengako kulumizibwa.
20 Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
Mu njala alikuwonya okufa, era anaakuwonyanga mu lutalo olw’ekitala.
21 Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.
Onookuumibwanga eri olulimi olukambwe, era tootyenga okuzikirira bwe kunaabanga kujja gy’oli.
22 Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.
Oliseka ng’okuzikirira n’enjala bizze, era tootyenga nsolo nkambwe ez’oku nsi.
23 Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
Onoobanga n’enkolagana n’amayinja ag’omu nnimiro, era onoobanga n’emirembe awali ensolo enkambwe.
24 Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
Olimanya nti, ensiisira yo eri mirembe; era eby’obugagga byo olibibala n’olaba nga tewali kibuzeeko.
25 Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
Olimanya ng’ezzadde lyo liriba ddene, ne bazzukulu bo baliba bangi ng’omuddo ogw’oku nsi.
26 Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.
Olituusibwa ku ntaana yo nga wakaddiyira ddala, ng’eŋŋaano bwe tuukira mu kiseera kyayo.
27 “Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”
“Ekyo twakyekenneenya, kituufu. Kimanye nga kikwata ku ggwe.”