< Jobho 5 >

1 “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
你且呼求,有谁答应你? 诸圣者之中,你转向哪一位呢?
2 Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.
忿怒害死愚妄人; 嫉妒杀死痴迷人。
3 Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.
我曾见愚妄人扎下根, 但我忽然咒诅他的住处。
4 Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
他的儿女远离稳妥的地步, 在城门口被压,并无人搭救。
5 Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
他的庄稼有饥饿的人吃尽了, 就是在荆棘里的也抢去了; 他的财宝有网罗张口吞灭了。
6 Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
祸患原不是从土中出来; 患难也不是从地里发生。
7 Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
人生在世必遇患难, 如同火星飞腾。
8 “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
至于我,我必仰望 神, 把我的事情托付他。
9 Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
他行大事不可测度, 行奇事不可胜数:
10 Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
降雨在地上, 赐水于田里;
11 Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.
将卑微的安置在高处, 将哀痛的举到稳妥之地;
12 Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
破坏狡猾人的计谋, 使他们所谋的不得成就。
13 Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
他叫有智慧的中了自己的诡计, 使狡诈人的计谋速速灭亡。
14 Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
他们白昼遇见黑暗, 午间摸索如在夜间。
15 Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
神拯救穷乏人 脱离他们口中的刀和强暴人的手。
16 Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.
这样,贫寒的人有指望, 罪孽之辈必塞口无言。
17 “Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
神所惩治的人是有福的! 所以你不可轻看全能者的管教。
18 Nokuti anopa vanga, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
因为他打破,又缠裹; 他击伤,用手医治。
19 Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
你六次遭难,他必救你; 就是七次,灾祸也无法害你。
20 Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
在饥荒中,他必救你脱离死亡; 在争战中,他必救你脱离刀剑的权力。
21 Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.
你必被隐藏,不受口舌之害; 灾殃临到,你也不惧怕。
22 Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.
你遇见灾害饥馑,就必嬉笑; 地上的野兽,你也不惧怕。
23 Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
因为你必与田间的石头立约; 田里的野兽也必与你和好。
24 Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
你必知道你帐棚平安, 要查看你的羊圈,一无所失;
25 Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
也必知道你的后裔将来发达, 你的子孙像地上的青草。
26 Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.
你必寿高年迈才归坟墓, 好像禾捆到时收藏。
27 “Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”
这理,我们已经考察,本是如此。 你须要听,要知道是与自己有益。

< Jobho 5 >