< Jobho 42 >

1 Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:
ויען איוב את יהוה ויאמר׃
2 “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
ידעת כי כל תוכל ולא יבצר ממך מזמה׃
3 Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.
מי זה מעלים עצה בלי דעת לכן הגדתי ולא אבין נפלאות ממני ולא אדע׃
4 “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’
שמע נא ואנכי אדבר אשאלך והודיעני׃
5 Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.
לשמע אזן שמעתיך ועתה עיני ראתך׃
6 Naizvozvo ndinozvishora pachangu, uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”
על כן אמאס ונחמתי על עפר ואפר׃
7 Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho.
ויהי אחר דבר יהוה את הדברים האלה אל איוב ויאמר יהוה אל אליפז התימני חרה אפי בך ובשני רעיך כי לא דברתם אלי נכונה כעבדי איוב׃
8 Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.”
ועתה קחו לכם שבעה פרים ושבעה אילים ולכו אל עבדי איוב והעליתם עולה בעדכם ואיוב עבדי יתפלל עליכם כי אם פניו אשא לבלתי עשות עמכם נבלה כי לא דברתם אלי נכונה כעבדי איוב׃
9 Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.
וילכו אליפז התימני ובלדד השוחי צפר הנעמתי ויעשו כאשר דבר אליהם יהוה וישא יהוה את פני איוב׃
10 Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.
ויהוה שב את שבית איוב בהתפללו בעד רעהו ויסף יהוה את כל אשר לאיוב למשנה׃
11 Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.
ויבאו אליו כל אחיו וכל אחיתיו וכל ידעיו לפנים ויאכלו עמו לחם בביתו וינדו לו וינחמו אתו על כל הרעה אשר הביא יהוה עליו ויתנו לו איש קשיטה אחת ואיש נזם זהב אחד׃
12 Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.
ויהוה ברך את אחרית איוב מראשתו ויהי לו ארבעה עשר אלף צאן וששת אלפים גמלים ואלף צמד בקר ואלף אתונות׃
13 Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.
ויהי לו שבענה בנים ושלוש בנות׃
14 Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki.
ויקרא שם האחת ימימה ושם השנית קציעה ושם השלישית קרן הפוך׃
15 Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.
ולא נמצא נשים יפות כבנות איוב בכל הארץ ויתן להם אביהם נחלה בתוך אחיהם׃
16 Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina.
ויחי איוב אחרי זאת מאה וארבעים שנה וירא את בניו ואת בני בניו ארבעה דרות׃
17 Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.
וימת איוב זקן ושבע ימים׃

< Jobho 42 >