< Jobho 41 >
1 “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here?
你能用鱼钩钓上鳄鱼吗? 能用绳子压下它的舌头吗?
2 Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?
你能用绳索穿它的鼻子吗? 能用钩穿它的腮骨吗?
3 Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?
它岂向你连连恳求, 说柔和的话吗?
4 Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?
岂肯与你立约, 使你拿它永远作奴仆吗?
5 Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
你岂可拿它当雀鸟玩耍吗? 岂可为你的幼女将它拴住吗?
6 Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?
搭伙的渔夫岂可拿它当货物吗? 能把它分给商人吗?
7 Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here, kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?
你能用倒钩枪扎满它的皮, 能用鱼叉叉满它的头吗?
8 Kana ukaisa ruoko rwako pairi uchazorangarira kurwisana kwako nayo uye haungazozvipamhizve!
你按手在它身上,想与它争战, 就不再这样行吧!
9 Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema; kungoiona bedzi kunopedza simba.
人指望捉拿它是徒然的; 一见它,岂不丧胆吗?
10 Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?
没有那么凶猛的人敢惹它。 这样,谁能在我面前站立得住呢?
11 Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira? Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.
谁先给我什么,使我偿还呢? 天下万物都是我的。
12 “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo, simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.
论到鳄鱼的肢体和其大力,并美好的骨骼, 我不能缄默不言。
13 Ndianiko angabvisa dehwe rayo? Ndianiko angasvika kwairi namatomu?
谁能剥它的外衣? 谁能进它上下牙骨之间呢?
14 Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo, iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?
谁能开它的腮颊? 它牙齿四围是可畏的。
15 Musana wayo une mitsara yamakwande yakanyatsonamirwa pamwe chete;
它以坚固的鳞甲为可夸, 紧紧合闭,封得严密。
16 rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.
这鳞甲一一相连, 甚至气不得透入其间,
17 Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.
都是互相联络、胶结, 不能分离。
18 Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.
它打喷嚏就发出光来; 它眼睛好像早晨的光线。
19 Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.
从它口中发出烧着的火把, 与飞迸的火星;
20 Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga.
从它鼻孔冒出烟来, 如烧开的锅和点着的芦苇。
21 Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.
它的气点着煤炭, 有火焰从它口中发出。
22 Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo.
它颈项中存着劲力; 在它面前的都恐吓蹦跳。
23 Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba; dzakasimba uye hadzizungunuswi.
它的肉块互相联络, 紧贴其身,不能摇动。
24 Chipfuva chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo.
它的心结实如石头, 如下磨石那样结实。
25 Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura.
它一起来,勇士都惊恐, 心里慌乱,便都昏迷。
26 Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.
人若用刀,用枪,用标枪, 用尖枪扎它,都是无用。
27 Simbi inoita seshanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora.
它以铁为干草, 以铜为烂木。
28 Miseve haingaiti kuti itize; zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.
箭不能恐吓它使它逃避; 弹石在它看为碎秸。
29 Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi; inoseka panorira bakatwa.
棍棒算为禾秸; 它嗤笑短枪飕的响声。
30 Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari, inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.
它肚腹下如尖瓦片; 它如钉耙经过淤泥。
31 Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira, uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.
它使深渊开滚如锅, 使洋海如锅中的膏油。
32 Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya; mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.
它行的路随后发光, 令人想深渊如同白发。
33 Hapana chakaenzana nayo munyika, chisikwa chisingatyi.
在地上没有像它造的那样, 无所惧怕。
34 Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza; ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”
凡高大的,它无不藐视; 它在骄傲的水族上作王。