< Jobho 40 >
1 Jehovha akati kuna Jobho:
上主又接著問約伯說:
2 “Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
好辯之士,豈能同全能者辯論﹖非難天主的,請答覆這一切!
3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:
約伯回答上主說:「
4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.
看,我這麼卑賤,我能回答什麼﹖只好用手掩口。
5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzazve.”
我說過一次,再不敢重複;我再說一次:我不敢再說什麼! 」
6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:
上主由旋風中回答約伯說:
7 “Chizvisunga chiuno somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
你要像勇士束好腰,我要問你,請指教我。
8 “Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?
你豈能推翻我的評斷,歸罪於我,而自以為有理﹖
9 Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?
你的手臂豈能同天主的相比﹖你的聲音,那能像雷鳴﹖
10 Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.
請你以尊貴和高雅作你的點綴,以光華美麗作你的衣裳;
11 Regedzera ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,
發洩你的烈怒,貶抑一切高傲的人;
12 tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.
視察一切傲慢的人,且加以制服,推翻惡人所處的地位;
13 Uvavige vose pamwe chete muguruva; ufukidze zviso zvavo muguva.
將他們一同埋在土中,把他們都關在黑暗中!
14 Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
如果你能這樣作,我也要稱讚你,因為你的右手救護了你。
15 “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe.
且看河馬,牠同你都是我造成的,牠像牛一樣吃草。
16 Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.
牠的精力全在腰部,牠的力量是在腹部的肌肉;
17 Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.
牠挺起尾巴好像香柏,大腿上的筋聯結在一起;
18 Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.
牠的脊骨好似銅管,牠的骨骸有如鐵杠。
19 Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.
牠是天主的傑作,造牠者賜給了牠利刃。
20 Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.
群山供給牠食物,百獸在那裏同牠遊戲。
21 Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope.
牠臥在蓮葉之下,躺在蘆葦和沼澤深處;
22 Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza.
蓮葉的蔭影遮蔽著牠,溪邊的楊柳掩護著牠。
23 Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.
河水漲溢之時,牠毫不戰慄;約但河漲到牠口邊,牠仍安寧。
24 Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?
誰能在牠目前捕捉牠,或以木橛穿透牠的鼻孔﹖