< Jobho 40 >
1 Jehovha akati kuna Jobho:
Yehova anati kwa Yobu:
2 “Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
“Kodi iwe ufuna kukangana ndi Wamphamvuzonse? Iwe amene unatsutsana ndi Mulungu umuyankhe Iyeyo!”
3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:
Pamenepo Yobu anayankha Yehova:
4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.
“Ine sindili kanthu konse, kodi ndingathe kukuyankhani chiyani? Ndagwira pakamwa panga.
5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzazve.”
Ndinayankhula kamodzi, koma pano ndilibe yankho, ndinayankha kawiri, koma sindiwonjezeranso mawu ena.”
6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:
Ndipo Yehova anayankha Yobu mʼkamvuluvulu kuti,
7 “Chizvisunga chiuno somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
“Tsopano vala dzilimbe ngati mwamuna; ndikufunsa mafunso ndipo iwe undiyankhe.
8 “Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?
“Kodi iwe unganyoze chiweruzo changa cholungama? Kodi ungandidzudzule kuti iweyo ukhale wolungama?
9 Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?
Kodi uli ndi dzanja monga la Mulungu, ndipo mawu ako angagunde ngati mphenzi monga a Mulungu?
10 Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.
Ngati zili choncho udzikometsere ndi ulemerero ndi kukongola, ndipo udziveke ulemu ndi ulemerero waufumu.
11 Regedzera ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,
Tsanula ukali wako wosefukirawo, uyangʼane aliyense wodzikuza ndipo umuchepetse,
12 tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.
Uyangʼane aliyense wodzikweza ndipo umutsitse, uwapondereze oyipa onse pamalo pomwe alilipo.
13 Uvavige vose pamwe chete muguruva; ufukidze zviso zvavo muguva.
Onsewo uwakwirire pamodzi mfumbi; ukulunge nkhope zawo mʼmanda.
14 Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
Ukatero Ine ndidzakuvomereza kuti dzanja lako lamanja lakupulumutsadi.
15 “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe.
“Taganiza za mvuwu, imene ndinayipanga monga momwe ndinapangira iwe, ndipo imadya udzu ngati ngʼombe.
16 Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.
Mphamvu zake ndi zazikulu kwambiri, thupi lake ndi lanyonga kwambiri!
17 Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.
Mchira wake umayima tolotolo ngati mtengo wamkungudza; mitsempha ya ntchafu zake ndi yogwirana bwino.
18 Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.
Mafupa ake ali ngati mapayipi amkuwa, nthiti zake zili ngati mipiringidzo yachitsulo.
19 Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.
Mvuwuyo ndi yayikulu mwa zolengedwa za Mulungu, komatu mlengi wake amatha kuyiopseza ndi lupanga lake.
20 Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.
Imapeza chakudya chake ku mtunda ndipo nyama zakuthengo zonse zimasewera pambali pake.
21 Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope.
Imagona pa tsinde pa zitsamba za mipeta, imabisala mʼbango ndiponso pa thawale.
22 Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza.
Imaphimbika ndi mthunzi wazitsamba za mipeta; imazunguliridwa ndi misondozi ya mu mtsinje.
23 Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.
Madzi a mu mtsinje akakokoma, sichita mantha, iyo sitekeseka, ngakhale madzi a mu Yorodani afike mʼkhosi mwake.
24 Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?
Kodi alipo amene angathe kukola mvuwu ndi mbedza kapena kuyikola mu msampha?