< Jobho 4 >
1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:
Saa tog Temaniten Elifaz til Orde og sagde:
2 “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura?
Ærgrer det dig, om man taler til dig? Men hvem kan her være tavs?
3 Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.
Du har selv talt mange til Rette og styrket de slappe Hænder,
4 Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta.
dine Ord holdt den segnende oppe, vaklende Knæ gav du Kraft —
5 Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka.
Men nu det gælder dig selv, saa taber du Modet, nu det rammer dig selv, er du slaget af Skræk!
6 Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?
Er ikke din Gudsfrygt din Tillid, din fromme Færd dit Haab?
7 “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?
Tænk efter! Hvem gik uskyldig til Grunde, hvor gik retsindige under?
8 Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.
Men det har jeg set: Hvo Uret pløjer og saar Fortræd, de høster det selv.
9 Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.
For Guds Aand gaar de til Grunde, for hans Vredes Pust gaar de til.
10 Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.
Løvens Brøl og Vilddyrets Glam Ungløvernes Tænder slaas ud;
11 Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.
Løven omkommer af Mangel paa Rov, og Løveungerne spredes.
12 “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.
Der sneg sig til mig et Ord mit Øre opfanged dets Hvisken
13 Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu,
i Nattesynernes Tanker, da Dvale sank over Mennesker;
14 kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.
Angst og Skælven kom over mig, alle mine Ledemod skjalv;
15 Mumwe mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye bvudzi romusoro wangu rikamira.
et Pust strøg over mit Ansigt, Haarene rejste sig paa min Krop.
16 Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:
Saa stod det stille! Jeg sansed ikke, hvordan det saa ud; en Skikkelse stod for mit Øje, jeg hørte en hviskende Stemme:
17 ‘Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?
»Har et Menneske Ret for Gud, mon en Mand er ren for sin Skaber?
18 Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,
End ikke sine Tjenere tror han, hos sine Engle finder han Fejl,
19 zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!
endsige hos dem, der bor i en Hytte af Ler og har deres Grundvold i Støvet!
20 Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.
De knuses ligesom Møl, imellem Morgen og Aften, de sønderslaas uden at ænses, for evigt gaar de til Grunde.
21 Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina uchenjeri?’
Rives ej deres Teltreb ud? De dør, men ikke i Visdom.