< Jobho 39 >

1 “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?
Uyasazi yini isikhathi sokuzala kwamagogo edwala? Uyananzelela yini ukuhelelwa kwezimpala?
2 Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?
Ungazibala yini inyanga ezizigcwalisayo? Njalo uyasazi yini isikhathi sokuzala kwazo?
3 Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.
Zigoba, zizale abantwana bazo, zikhuphe imihelo yazo.
4 Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.
Amazinyane azo aqine akhule egangeni; asuke ahambe, angabuyi kuzo.
5 “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?
Ngubani owakhupha ubabhemi weganga ekhululekile? Njalo ngubani othukulule izibopho zikababhemi weganga,
6 Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.
engimmisele inkangala ibe ngumuzi wakhe, lesimunyu sibe zindawo zakhe zokuhlala?
7 Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.
Uhleka umsindo womuzi, angezwa imisindo yomtshayeli.
8 Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza.
Udinga izintaba ezilidlelo lakhe, edinga elandela konke okuluhlaza.
9 “Ko, nyati ingabvuma kukushandira here? Ko, ingagara mudanga rako usiku here?
Inyathi iyavuma yini ukukusebenzela? Izalala yini esibayeni sakho ebusuku?
10 Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here? Ko, ingarima mipata mushure mako here?
Ungayibophela inyathi yini ngentambo yayo emfolweni? Ingabhuqa yini izihotsha emva kwakho?
11 Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?
Ungathembela kuyo yini ngoba amandla ayo makhulu? Ungayiyekelela yini umtshikatshika wakho?
12 Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako uye igozviunza paburiro rako here?
Ungayikholwa yini ukuthi izabuyisa inhlanyelo yakho, njalo iyibuthele ebaleni lokubhulela lakho?
13 “Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru, asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove.
Impiko zezintshe ziyaphaphazela ngentokozo; kodwa zizimpiko lezinsiba zengabuzane yini?
14 Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu igoarega achidziyirwa mujecha,
Ngoba itshiya amaqanda ayo emhlabathini, iwakhudumeze othulini,
15 isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika.
iyakhohlwa ukuthi unyawo lungawachoboza, lokuthi isilo seganga singawanyathela.
16 Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina,
Iwaphatha kalukhuni amaphuphu ayo, kungathi kawayisiwo awayo; umtshikatshika wayo uyize, ingelakwesaba.
17 nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.
Ngoba uNkulunkulu wayithathela inhlakanipho, kayabelanga ukuqedisisa.
18 Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi waro.
Lapho sekuyisikhathi iyaziphakamisela phezulu, ihleke ibhiza lomgadi walo.
19 “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
Uzanika yini ibhiza amandla? Uyayigqokisa yini intamo yalo ngomhlonga oyephuzelayo?
20 Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?
Uyalenza leqe yini njengentethe? Ubukhosi bokukhala kwalo buyesabeka.
21 Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.
Liyaphanda esihotsheni, lithokoze ngamandla alo, liphume ukuhlangabeza izikhali.
22 Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.
Liyakuhleka ukwesaba, kalesabi, kaliphenduki phambi kwenkemba.
23 Goba remiseve rinorira parutivi paro, pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima.
Phezu kwalo isamba semitshoko siyakhehlezela, umkhonto ophazimayo lomdikadika.
24 Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda.
Ngokuqhuqha lokufutheka liginye umhlaba; kalikholwa ukuthi ngumsindo wophondo.
25 Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo.
Ekukhaleni kophondo lithi: Aha! Linuke impi ikhatshana, umdumo wezinduna, lokumemeza.
26 “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?
Ukhozi luyaphapha yini ngokuqedisisa kwakho, luselulela impiko zalo eningizimu?
27 Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira?
Ilinqe liyaqonga ngokulaya kwakho, lakhe isidleke salo engqongeni yini?
28 Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.
Lihlala lilale ebusuku edwaleni, engqongeni yedwala leyenqaba.
29 Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure.
Lisuka lapho lidinga ukudla; amehlo alo abonela khatshana.
30 Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”
Lamaphuphu alo azitika ngegazi; lalapho okukhona ababuleweyo likhona.

< Jobho 39 >