< Jobho 39 >
1 “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?
山巖間的野山羊幾時生產,你知道嗎? 母鹿下犢之期,你能察定嗎?
2 Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?
牠們懷胎的月數,你能數算嗎? 牠們幾時生產,你能曉得嗎?
3 Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.
牠們屈身,將子生下, 就除掉疼痛。
4 Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.
這子漸漸肥壯,在荒野長大, 去而不回。
5 “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?
誰放野驢出去自由? 誰解開快驢的繩索?
6 Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.
我使曠野作牠的住處, 使鹹地當牠的居所。
7 Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.
牠嗤笑城內的喧嚷, 不聽趕牲口的喝聲。
8 Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza.
遍山是牠的草場; 牠尋找各樣青綠之物。
9 “Ko, nyati ingabvuma kukushandira here? Ko, ingagara mudanga rako usiku here?
野牛豈肯服事你? 豈肯住在你的槽旁?
10 Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here? Ko, ingarima mipata mushure mako here?
你豈能用套繩將野牛籠在犂溝之間? 牠豈肯隨你耙山谷之地?
11 Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?
豈可因牠的力大就倚靠牠? 豈可把你的工交給牠做嗎?
12 Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako uye igozviunza paburiro rako here?
豈可信靠牠把你的糧食運到家, 又收聚你禾場上的穀嗎?
13 “Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru, asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove.
鴕鳥的翅膀歡然搧展, 豈是顯慈愛的翎毛和羽毛嗎?
14 Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu igoarega achidziyirwa mujecha,
因牠把蛋留在地上, 在塵土中使得溫暖;
15 isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika.
卻想不到被腳踹碎, 或被野獸踐踏。
16 Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina,
牠忍心待雛,似乎不是自己的; 雖然徒受勞苦,也不為雛懼怕;
17 nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.
因為上帝使牠沒有智慧, 也未將悟性賜給牠。
18 Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi waro.
牠幾時挺身展開翅膀, 就嗤笑馬和騎馬的人。
19 “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
馬的大力是你所賜的嗎? 牠頸項上挓挲的誃是你給牠披上的嗎?
20 Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?
是你叫牠跳躍像蝗蟲嗎? 牠噴氣之威使人驚惶。
21 Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.
牠在谷中刨地,自喜其力; 牠出去迎接佩帶兵器的人。
22 Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.
牠嗤笑可怕的事並不驚惶, 也不因刀劍退回。
23 Goba remiseve rinorira parutivi paro, pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima.
箭袋和發亮的槍, 並短槍在牠身上錚錚有聲。
24 Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda.
牠發猛烈的怒氣將地吞下; 一聽角聲就不耐站立。
25 Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo.
角每發聲,牠說呵哈; 牠從遠處聞着戰氣, 又聽見軍長大發雷聲和兵丁吶喊。
26 “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?
鷹雀飛翔,展開翅膀一直向南, 豈是藉你的智慧嗎?
27 Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira?
大鷹上騰在高處搭窩, 豈是聽你的吩咐嗎?
28 Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.
牠住在山巖, 以山峰和堅固之所為家,
29 Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure.
從那裏窺看食物, 眼睛遠遠觀望。
30 Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”
牠的雛也咂血; 被殺的人在哪裏,牠也在那裏。