< Jobho 38 >

1 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:
Il Signore rispose a Giobbe di mezzo al turbine:
2 “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo?
Chi è costui che oscura il consiglio con parole insipienti?
3 Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
Cingiti i fianchi come un prode, io t'interrogherò e tu mi istruirai.
4 “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.
Dov'eri tu quand'io ponevo le fondamenta della terra? Dillo, se hai tanta intelligenza!
5 Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?
Chi ha fissato le sue dimensioni, se lo sai, o chi ha teso su di essa la misura?
6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,
Dove sono fissate le sue basi o chi ha posto la sua pietra angolare,
7 panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?
mentre gioivano in coro le stelle del mattino e plaudivano tutti i figli di Dio?
8 “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,
Chi ha chiuso tra due porte il mare, quando erompeva uscendo dal seno materno,
9 pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,
quando lo circondavo di nubi per veste e per fasce di caligine folta?
10 pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,
Poi gli ho fissato un limite e gli ho messo chiavistello e porte
11 pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?
e ho detto: «Fin qui giungerai e non oltre e qui s'infrangerà l'orgoglio delle tue onde».
12 “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,
Da quando vivi, hai mai comandato al mattino e assegnato il posto all'aurora,
13 kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?
perché essa afferri i lembi della terra e ne scuota i malvagi?
14 Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.
Si trasforma come creta da sigillo e si colora come un vestito.
15 Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.
E' sottratta ai malvagi la loro luce ed è spezzato il braccio che si alza a colpire.
16 “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?
Sei mai giunto alle sorgenti del mare e nel fondo dell'abisso hai tu passeggiato?
17 Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?
Ti sono state indicate le porte della morte e hai visto le porte dell'ombra funerea?
18 Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.
Hai tu considerato le distese della terra? Dillo, se sai tutto questo!
19 “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?
Per quale via si va dove abita la luce e dove hanno dimora le tenebre
20 Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?
perché tu le conduca al loro dominio o almeno tu sappia avviarle verso la loro casa?
21 Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare! Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.
Certo, tu lo sai, perché allora eri nato e il numero dei tuoi giorni è assai grande!
22 “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,
Sei mai giunto ai serbatoi della neve, hai mai visto i serbatoi della grandine,
23 izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo neokurwa?
che io riserbo per il tempo della sciagura, per il giorno della guerra e della battaglia?
24 Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika?
Per quali vie si espande la luce, si diffonde il vento d'oriente sulla terra?
25 Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe,
Chi ha scavato canali agli acquazzoni e una strada alla nube tonante,
26 kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
per far piovere sopra una terra senza uomini, su un deserto dove non c'è nessuno,
27 kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
per dissetare regioni desolate e squallide e far germogliare erbe nella steppa?
28 Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vemadonhwe edova?
Ha forse un padre la pioggia? O chi mette al mondo le gocce della rugiada?
29 Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
Dal seno di chi è uscito il ghiaccio e la brina del cielo chi l'ha generata?
30 panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?
Come pietra le acque induriscono e la faccia dell'abisso si raggela.
31 “Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
Puoi tu annodare i legami delle Plèiadi o sciogliere i vincoli di Orione?
32 Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
Fai tu spuntare a suo tempo la stella del mattino o puoi guidare l'Orsa insieme con i suoi figli?
33 Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?
Conosci tu le leggi del cielo o ne applichi le norme sulla terra?
34 “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, uye ugozvifukidza namafashamu emvura?
Puoi tu alzare la voce fino alle nubi e farti coprire da un rovescio di acqua?
35 Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
Scagli tu i fulmini e partono dicendoti: «Eccoci!»?
36 Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?
Chi ha elargito all'ibis la sapienza o chi ha dato al gallo intelligenza?
37 Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
Chi può con sapienza calcolare le nubi e chi riversa gli otri del cielo,
38 kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?
quando si fonde la polvere in una massa e le zolle si attaccano insieme?
39 “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,
Vai tu a caccia di preda per la leonessa e sazi la fame dei leoncini,
40 kana dzichitsivama mumapako adzo kana kuti dzakavandira mudenhere?
quando sono accovacciati nelle tane o stanno in agguato fra le macchie?
41 Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?
Chi prepara al corvo il suo pasto, quando i suoi nati gridano verso Dio e vagano qua e là per mancanza di cibo?

< Jobho 38 >