< Jobho 38 >
1 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:
那時,耶和華從旋風中回答約伯說:
2 “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo?
誰用無知的言語使我的旨意暗昧不明?
3 Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
你要如勇士束腰; 我問你,你可以指示我。
4 “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.
我立大地根基的時候,你在哪裏呢? 你若有聰明,只管說吧!
5 Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?
你若曉得就說,是誰定地的尺度? 是誰把準繩拉在其上?
6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,
地的根基安置在何處? 地的角石是誰安放的?
7 panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?
那時,晨星一同歌唱; 上帝的眾子也都歡呼。
8 “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,
海水衝出,如出胎胞, 那時誰將它關閉呢?
9 pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,
是我用雲彩當海的衣服, 用幽暗當包裹它的布,
10 pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,
為它定界限, 又安門和閂,
11 pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?
說:你只可到這裏,不可越過; 你狂傲的浪要到此止住。
12 “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,
你自生以來,曾命定晨光, 使清晨的日光知道本位,
13 kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?
叫這光普照地的四極, 將惡人從其中驅逐出來嗎?
14 Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.
因這光,地面改變如泥上印印, 萬物出現如衣服一樣。
15 Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.
亮光不照惡人; 強橫的膀臂也必折斷。
16 “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?
你曾進到海源, 或在深淵的隱密處行走嗎?
17 Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?
死亡的門曾向你顯露嗎? 死蔭的門你曾見過嗎?
18 Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.
地的廣大你能明透嗎? 你若全知道,只管說吧!
19 “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?
光明的居所從何而至? 黑暗的本位在於何處?
20 Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?
你能帶到本境, 能看明其室之路嗎?
21 Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare! Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.
你總知道, 因為你早已生在世上, 你日子的數目也多。
22 “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,
你曾進入雪庫, 或見過雹倉嗎?
23 izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo neokurwa?
這雪雹乃是我為降災, 並打仗和爭戰的日子所預備的。
24 Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika?
光亮從何路分開? 東風從何路分散遍地?
25 Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe,
誰為雨水分道? 誰為雷電開路?
26 kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
使雨降在無人之地、 無人居住的曠野?
27 kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
使荒廢淒涼之地得以豐足, 青草得以發生?
28 Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vemadonhwe edova?
雨有父嗎? 露水珠是誰生的呢?
29 Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
冰出於誰的胎? 天上的霜是誰生的呢?
30 panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?
諸水堅硬如石頭; 深淵之面凝結成冰。
31 “Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
你能繫住昴星的結嗎? 能解開參星的帶嗎?
32 Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
你能按時領出十二宮嗎? 能引導北斗和隨它的眾星嗎?
33 Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?
你知道天的定例嗎? 能使地歸在天的權下嗎?
34 “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, uye ugozvifukidza namafashamu emvura?
你能向雲彩揚起聲來, 使傾盆的雨遮蓋你嗎?
35 Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
你能發出閃電,叫它行去, 使它對你說:我們在這裏?
36 Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?
誰將智慧放在懷中? 誰將聰明賜於心內?
37 Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
誰能用智慧數算雲彩呢? 塵土聚集成團,土塊緊緊結連; 那時,誰能傾倒天上的瓶呢?
38 kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?
39 “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,
母獅子在洞中蹲伏, 少壯獅子在隱密處埋伏; 你能為牠們抓取食物, 使牠們飽足嗎?
40 kana dzichitsivama mumapako adzo kana kuti dzakavandira mudenhere?
41 Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?
烏鴉之雛因無食物飛來飛去,哀告上帝; 那時,誰為牠預備食物呢?