< Jobho 37 >
1 “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.
Yea, at this my heart trembles, and is moved out of its place.
2 Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake.
Hear, O, hear the noise of his voice, and the sound that goes out of his mouth.
3 Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika.
He sends it forth under the whole heaven, and his lightning to the ends of the earth.
4 Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake.
After it a voice roars. He thunders with the voice of his majesty, and he does not restrain the lightnings when his voice is heard.
5 Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.
God thunders marvelously with his voice. He does great things which we cannot comprehend.
6 Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’
For he says to the snow, Fall thou on the earth, likewise to the shower of rain, and to the showers of his mighty rain.
7 Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.
He seals up the hand of every man, that all men whom he has made may know it.
8 Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo.
Then the beasts go into coverts, and remain in their dens.
9 Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.
Out of the chamber of the south comes the storm, and cold out of the north.
10 Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando.
By the breath of God ice is given, and the breadth of the waters is narrowed.
11 Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore.
Yea, he loads the thick cloud with moisture. He spreads abroad the cloud of his lightning,
12 Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.
and it is turned round about by his guidance, that they may do whatever he commands them upon the face of the habitable world.
13 Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake.
He causes it to come, whether it be for correction, or for his land, or for loving kindness.
14 “Teerera izvi, Jobho; imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.
Hearken to this, O Job. Stand still, and consider the wondrous works of God.
15 Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?
Do thou know how God lays his charge upon them, and causes the lightning of his cloud to shine?
16 Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?
Do thou know the balancing of the clouds, the wondrous works of him who is perfect in knowledge?
17 Iyewe unopiswa nenguo dzako nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi,
How thy garments are warm when the earth is still because of the south wind?
18 ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.
Can thou with him spread out the sky, which is strong as a molten mirror?
19 “Tiudze zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.
Teach us what we shall say to him. We cannot set in array because of darkness.
20 Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?
Shall it be told him that I would speak? Or should a man wish that he were swallowed up?
21 Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa.
And now men do not see the light which is bright in the skies, but the wind passes, and clears them.
22 Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.
Out of the north comes golden splendor. God has upon him awesome majesty.
23 Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba; mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri.
O the Almighty, we cannot find him out. He is excellent in power. And in justice and abundant righteousness he will not afflict.
24 Naizvozvo, vanhu vanomutya, ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”
Men therefore fear him. He does not regard any who are wise of heart.