< Jobho 36 >

1 Erihu akaenderera mberi achiti:
U-Elihu waqhubeka esithi:
2 “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
“Ake lingibekezelele okwesikhatshana ukuze ngilitshengise ukuthi kunengi okumele kutshiwo ngobuhle bukaNkulunkulu.
3 Ruzivo rwangu runobva kure; ndichati Muiti wangu akarurama.
Ngiluzuza kude ulwazi lwami; ngithi ukwahlulela okulungileyo ngokukaMenzi wami.
4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; akakwana pazivo ari pakati penyu.
Yiba leqiniso ukuthi amazwi ami aqinisile; yena opheleleyo elwazini ulawe.
5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
UNkulunkulu ulamandla, kodwa keyisi muntu; ulamandla njalo katshedi ezimisweni zakhe.
6 Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
Ababi kabayekeli bephila kodwa abahluphekayo uyabapha okubafaneleyo.
7 Haabvisi meso ake pane vakarurama; anovagadza pamwe chete namadzimambo uye anovasimudzira nokusingaperi.
Kawasusi amehlo akhe kwabalungileyo; ubakhweza esihlalweni kanye lamakhosi abaphakamise nini lanini.
8 Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
Kodwa nxa abantu bebotshwe ngamaketane, bethiwe nko ngezibopho zezinhlupheko,
9 iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
uyabatshela lokho abakwenzileyo, ukuthi benze isono ngokuziphakamisa.
10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
Ubenza balalele ukuqondiswa abalaye ukuthi baphenduke ebubini babo.
11 Kana vakateerera uye vakamushumira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.
Nxa bemlalela bamkhonze, zonke insuku zabo eziseleyo zizaphumelela, leminyaka yabo ibe ngeyokusuthiseka.
12 Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.
Kodwa nxa bengalaleli, bazabhubha ngenkemba, bafe bengelalwazi.
13 “Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
Abangamesabiyo uNkulunkulu bagodle ukusola enhliziyweni; loba angaze ababophe kabaceli ukusizwa.
14 Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
Bafa besesebatsha, bephakathi kweziphingi ezingamadoda, ezihlala ezindaweni zokukhonzela.
15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
Kodwa labo abahluphekayo uyabakhulula ekuhluphekeni kwabo; ukhuluma labo besezinkathazweni zabo.
16 “Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo, kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
Uyakulimukisa ukuthi uphume emihlathini yosizi uye endaweni ebanzi, ekhululekileyo njalo engelazibopho, ebumnandini betafula yakho igcwele izidlo ezimnandi.
17 Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.
Kodwa manje usindwa yikwahlulelwa okulungele ababi; ukuthonisiswa lokwahlulelwa ngokulunga yikho osekukuduba.
18 Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma; usarega fufuro huru ichikutsausa.
Qaphela kungabikhona okulingayo ngenotho; ungavumeli ukuthengwa ngemali kukususe endleleni.
19 Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?
Kambe inotho yakho loba konke ukutshikatshika kwakho kungakusekela ukuze ungangeni osizini na?
20 Rega kushuva usiku, kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
Ungalangazeleli ubusuku, ukuze uyohudula abantu ezindaweni zabo.
21 Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.
Qaphela ungangeni kokubi, okukhanya ingathi uyakuthanda kulokuhlupheka.
22 “Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
UNkulunkulu uphakeme ngamandla akhe. Ngubani ongafundisa njengaye na?
23 Ndianiko akamuratidza nzira dzake, kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’
Ngubani omisele izindlela zakhe na, loba othe kuye, ‘Usuwenze okungalunganga?’
24 Rangarira kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
Khumbula ukukhulisa umsebenzi wakhe, abantu abawudumisileyo ngengoma.
25 Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.
Bonke abantu jikelele bakubonile lokhu; abantu bakukhangela bemi khatshana.
26 Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
Ubukhulu bukaNkulunkulu bungaphezulu kokuzwisisa kwethu! Iminyaka yakhe ingezake yaziwe.
27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, anoshanduka achinaya semvura kuhova;
Uyawadonsa amathonsi amanzi, aqulungane abe lizulu elingena ezifuleni;
28 makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
amayezi athulula amanzi awo kune izulu elikhulu ebantwini.
29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?
Ngubani ongakuzwisisa ukuthi uwendlala njani amayezi na, ukuthi ukhwaza njani esesiqongweni sakhe na?
30 Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.
Ake libone ukuthi uwuhlakaza njani umbane wakhe azizingelezele ngawo, abhukutshe ezinzikini zolwandle.
31 Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
Yiyo indlela abusa ngayo izizwe aziphe ukudla okunengi.
32 Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.
Ugcwalisa izandla zakhe ngombane awukhombise lapho omele utshaye khona.
33 Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.
Ukuduma kwakhe kubika isiphepho esizayo; lenkomo ziyatshengisa ukuza kwaso.”

< Jobho 36 >