< Jobho 36 >
1 Erihu akaenderera mberi achiti:
以利户又接着说:
2 “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
你再容我片时,我就指示你, 因我还有话为 神说。
3 Ruzivo rwangu runobva kure; ndichati Muiti wangu akarurama.
我要将所知道的从远处引来, 将公义归给造我的主。
4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; akakwana pazivo ari pakati penyu.
我的言语真不虚谎; 有知识全备的与你同在。
5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
神有大能,并不藐视人; 他的智慧甚广。
6 Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
他不保护恶人的性命, 却为困苦人伸冤。
7 Haabvisi meso ake pane vakarurama; anovagadza pamwe chete namadzimambo uye anovasimudzira nokusingaperi.
他时常看顾义人, 使他们和君王同坐宝座, 永远要被高举。
8 Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
他们若被锁链捆住, 被苦难的绳索缠住,
9 iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
他就把他们的作为和过犯指示他们, 叫他们知道有骄傲的行动。
10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
他也开通他们的耳朵得受教训, 吩咐他们离开罪孽转回。
11 Kana vakateerera uye vakamushumira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.
他们若听从事奉他, 就必度日亨通,历年福乐;
12 Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.
若不听从, 就要被刀杀灭,无知无识而死。
13 “Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
那心中不敬虔的人积蓄怒气; 神捆绑他们,他们竟不求救;
14 Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
必在青年时死亡, 与污秽人一样丧命。
15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
神借着困苦救拔困苦人, 趁他们受欺压开通他们的耳朵。
16 “Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo, kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
神也必引你出离患难, 进入宽阔不狭窄之地; 摆在你席上的必满有肥甘。
17 Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.
但你满口有恶人批评的言语; 判断和刑罚抓住你。
18 Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma; usarega fufuro huru ichikutsausa.
不可容忿怒触动你,使你不服责罚; 也不可因赎价大就偏行。
19 Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?
你的呼求,或是你一切的势力, 果有灵验,叫你不受患难吗?
20 Rega kushuva usiku, kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
不要切慕黑夜, 就是众民在本处被除灭的时候。
21 Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.
你要谨慎,不可重看罪孽, 因你选择罪孽过于选择苦难。
22 “Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
神行事有高大的能力; 教训人的有谁像他呢?
23 Ndianiko akamuratidza nzira dzake, kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’
谁派定他的道路? 谁能说:你所行的不义?
24 Rangarira kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
你不可忘记称赞他所行的为大, 就是人所歌颂的。
25 Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.
他所行的,万人都看见; 世人也从远处观看。
26 Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
神为大,我们不能全知; 他的年数不能测度。
27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, anoshanduka achinaya semvura kuhova;
他吸取水点, 这水点从云雾中就变成雨;
28 makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
云彩将雨落下,沛然降与世人。
29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?
谁能明白云彩如何铺张, 和 神行宫的雷声呢?
30 Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.
他将亮光普照在自己的四围; 他又遮覆海底。
31 Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
他用这些审判众民, 且赐丰富的粮食。
32 Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.
他以电光遮手, 命闪电击中敌人。
33 Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.
所发的雷声显明他的作为, 又向牲畜指明要起暴风。