< Jobho 35 >

1 Ipapo Erihu akati:
Aidha, Elihu aliendelea kusema,
2 “Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’
“Je unadhani hii ni sawa unaposema, 'Haki yangu mbele ya Mungu?
3 Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’
Kwa kuwa unauliza, 'Inafaa nini kwangu' na 'Ingekuwa nzuri kwangu kama ningekuwa nimetenda dhambi?'
4 “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo.
Nitakujibu, wewe pamoja na marafiki zako.
5 Tarira kumatenga uone; nanʼanidza makore ari pamusoro pako.
Tazama juu angani, na ulione; angalia anga, ambalo liko juu sana kuliko wewe.
6 Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?
Kama umetenda dhambi, ni madhara gani huwa unayafanya kwa Mungu? Ikiwa makosa yako yameongezeka zaidi, je huwa unafanya nini kwake?
7 Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?
Kama wewe ni mwenye haki, unaweza kumpa nini? Je atapokea nini mkononi mwako?
8 Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.
Uovu wako waweza kuwaumiza mtu, kama ulivyo wewe ni mtu, na haki yako yaweza kumnufaisha mwana mwingine wa mtu.
9 “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.
Watu wanalia kwasababu ya matendo mengi ya unyanyasaji; wanaomba msaada katika mikono ya watu wenye nguvu.
10 Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku,
Lakini hakuna hata mmoja asemaye, ' Mungu Muumba wangu yuko wapi, ambaye hutoa nyimbo wakati wa usiku,
11 anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’
ambaye hutufundisha sisi zaidi anavyowafundisha wanyama wa dunia, na ambaye hutufanya sisi kuwa wenye hekima kuliko ndege wa angani?
12 Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.
Huko wanalia, lakini Mungu hawajibu kwasababu ya kibriu ya watu waovu.
13 Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.
Kwa hakika Mungu hatasikia kilio cha kipumbavu; Mwenye nguvu wala hatajali.
14 Ndoda, zvino, haangateereri kana uchiti hausi kumuona, mhaka yako iri pamberi pake zvokuti unofanira kumumirira,
Ni kwa namna gani atakujibu ikiwa unasema haumwoni, na ya kwamba hoja yako iko mbele yake, na ya kuwa unamngojea yeye!
15 uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa.
Ni kwa jinsi gani atakujibu kama unasema kwamba hamwadhibu yeyote kwa hasira, na ya kwamba hajishughulishi na kiburi cha watu.
16 Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asina zivo.”
Basi Ayubu hufumbua kinywa chake tu ili kusema upumbavu; huongeza maneno bila maarifa.”

< Jobho 35 >