< Jobho 35 >

1 Ipapo Erihu akati:
ויען אליהו ויאמר
2 “Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’
הזאת חשבת למשפט אמרת צדקי מאל
3 Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’
כי-תאמר מה-יסכן-לך מה-אעיל מחטאתי
4 “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo.
אני אשיבך מלין-- ואת-רעיך עמך
5 Tarira kumatenga uone; nanʼanidza makore ari pamusoro pako.
הבט שמים וראה ושור שחקים גבהו ממך
6 Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?
אם-חטאת מה-תפעל-בו ורבו פשעיך מה-תעשה-לו
7 Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?
אם-צדקת מה-תתן-לו או מה-מידך יקח
8 Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.
לאיש-כמוך רשעך ולבן-אדם צדקתך
9 “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.
מרב עשוקים יזעיקו ישועו מזרוע רבים
10 Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku,
ולא-אמר--איה אלוה עשי נתן זמרות בלילה
11 anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’
מלפנו מבהמות ארץ ומעוף השמים יחכמנו
12 Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.
שם יצעקו ולא יענה-- מפני גאון רעים
13 Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.
אך-שוא לא-ישמע אל ושדי לא ישורנה
14 Ndoda, zvino, haangateereri kana uchiti hausi kumuona, mhaka yako iri pamberi pake zvokuti unofanira kumumirira,
אף כי-תאמר לא תשורנו דין לפניו ותחולל לו
15 uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa.
ועתה--כי-אין פקד אפו ולא-ידע בפש מאד
16 Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asina zivo.”
ואיוב הבל יפצה-פיהו בבלי-דעת מלין יכבר

< Jobho 35 >