< Jobho 34 >

1 Ipapo Erihu akati:
Wasephendula uElihu wathi:
2 “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.
Zwanini amazwi ami, zihlakaniphi, lani zazi, libeke indlebe kimi.
3 Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.
Ngoba indlebe ihlola amazwi, njengolwanga lunambitha ukudla.
4 Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.
Asizikhetheleni isahlulelo; sazi phakathi kwethu okuhle.
5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.
Ngoba uJobe uthe: Ngilungile, kodwa uNkulunkulu ususe isahlulelo sami;
6 Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, museve wake unobaya ronda risingarapiki.’
ngiqamba amanga ngimelene lelungelo lami; umtshoko wami kawelapheki, ngaphandle kwesiphambeko.
7 Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?
Nguwuphi umuntu onjengoJobe? Unatha ukuklolodelwa njengamanzi,
8 Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.
ahambahambe exukwini labenzi bobubi, ahambe labantu benkohlakalo.
9 Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’
Ngoba uthe: Kakumsizi umuntu nxa ethokoza ngoNkulunkulu.
10 “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.
Ngakho, bantu bengqondo, ngilalelani: Kakube khatshana loNkulunkulu ukwenza inkohlakalo, loSomandla ukwenza isiphambeko.
11 Anoripira munhu pane zvaanenge aita; anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
Ngoba umsebenzi womuntu uzawubuyisela kuye, amenze athole njengendlela yalowo lalowo.
12 Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.
Yebo, isibili uNkulunkulu kenzi okubi, njalo uSomandla kagobisi isehlulelo.
13 Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?
Ngubani owambeka phezu komhlaba? Kumbe ngubani owamisa umhlaba wonke?
14 Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,
Uba ebeka inhliziyo yakhe phezu kwakhe, uzabuthela umoya wakhe lomphefumulo wakhe kuye.
15 marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.
Inyama yonke ibizaphela kanyekanye, lomuntu abuyele ethulini.
16 “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.
Uba kulokuqedisisa-ke, zwana lokhu, ubeke indlebe elizwini lamazwi ami.
17 Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?
Kambe, ozonda isehlulelo ubengabusa yini? Kambe uzamlahla yini olungileyo kakhulu?
18 Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’
Angatsho yini enkosini: Mkhohlisi; kuziphathamandla: Lina abangelaNkulunkulu?
19 asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake?
Kuye ongemukeli ubuso beziphathamandla, engananzi isinothi phambi komyanga? Ngoba bonke bangumsebenzi wezandla zakhe.
20 Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
Bayafa ngesikhatshana; laphakathi kobusuku abantu bayaqhuqhiswa, bedlule; kuzasuswa olamandla kungelasandla.
21 “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
Ngoba amehlo akhe aphezu kwendlela zomuntu, uyabona zonke izinyathelo zakhe.
22 Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri wakadzama, pangavanda vaiti vezvakaipa.
Kakulamnyama njalo kakulathunzi lokufa lapho abenzi bobubi abangacatsha khona.
23 Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.
Ngoba kabi lokhu enaka umuntu, ukuthi aye kuNkulunkulu esahlulelweni.
24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
Uyaphahlaza abalamandla kungahlolwanga, amise abanye endaweni zabo.
25 Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa.
Ngakho uyayazi imisebenzi yabo, uyabagenqula ebusuku, bachotshozwe.
26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,
Uyabatshaya njengababi endaweni yababukelayo.
27 nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
Ngenxa yokuthi bephambukile ekumlandeleni, bengananzanga leyodwa yezindlela zakhe,
28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
baze benza ukukhala komyanga kufike kuye, njalo wakuzwa ukukhala kwabahluphekayo.
29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
Lapho yena ethulisa, ngubani-ke ongaziphatha ngenkohliso? Lapho efihla ubuso, ngubani-ke ongambona? Loba esizweni loba emuntwini eyedwa.
30 kuti abvise munhu asina umwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.
Ukuze abantu abangabazenzisi bangabusi, ukuze bangabi yimijibila ebantwini.
31 “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzazve.
Isibili uthe kuNkulunkulu: Ngithwele isijeziso, kangiyikona.
32 Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’
Lokhu engingakuboniyo ngifundise wena; uba ngenze okubi kangisayikukwenza futhi.
33 Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.
Uzaphindisela yini njengokuthanda kwakho, loba uyala, loba wena ukhetha, njalo kungesimi? Wazini-ke? Khuluma.
34 “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,
Abantu abalokuqedisisa bazakhuluma kimi, lomuntu ohlakaniphileyo uzangizwa.
35 ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’
UJobe ukhulume engelalwazi, lamazwi akhe kawalanhlakanipho.
36 Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!
Kungathi ngabe uJobe uyahlolwa kuze kube sekupheleni, ngenxa yempendulo zakhe njengabantu ababi.
37 Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”
Ngoba esonweni sakhe wengezelela ububi, etshaya izandla phakathi kwethu, esandisa amazwi akhe emelene loNkulunkulu.

< Jobho 34 >