< Jobho 33 >
1 “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.
Men høyr no, Job, på talen min, lyd vel på alle mine ord!
2 Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.
Sjå eg hev opna mine lippor, og tunga talar i min munn.
3 Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.
Frå ærlegt hjarta kjem min tale, rein kunnskap lipporne ber fram.
4 Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.
Guds ånd er det som meg hev skapt, og Allvalds ande gjev meg liv.
5 Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugomisidzana neni.
Um du det kann, so gjev meg svar! Væpna deg mot meg, og stig fram!
6 Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.
Eg er din likemann for Gud, eg og av leiret forma er.
7 Kutyisa kwangu hakufaniri kukuvhundutsa, uye ruoko rwangu harufaniri kukuremera.
Du tarv’kje vera rædd for meg, min trykk skal ikkje tyngja deg.
8 “Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo,
Men du hev sagt for øyro mine - eg høyrde ljoden av ditt ord -:
9 ‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva.
«Eg skuldfri er og utan synd, eg flekkfri er og utan skuld;
10 Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake.
men han fører uvensgrunnar mot meg og held meg for sin fiendsmann;
11 Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’
han legg i stokken mine føter og vaktar alle mine vegar.»
12 “Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.
Men du hev urett, svarar eg; Gud større er enn menneskja.
13 Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu?
Men kvifor vil du klaga på han: Han aldri svarar i sin sak?
14 Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni.
På eit vis talar Gud, ja tvo, um enn dei ikkje agtar på det.
15 Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo,
I draumar og i syn ved natt, når tunge svevnen fell på folk, når dei på lægjet ligg og blundar,
16 angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji,
då let han øyro upp på folk, og innsiglar åtvaring til deim,
17 kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza,
for burt frå synd å driva mannen, og rydja ovmod ut or honom
18 kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
og berga sjæli hans frå gravi og livet hans frå spjotodd-daude.
19 Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake,
Han tuktast og med sjukelægje, med stendig uro inn til beini,
20 saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.
hans liv fær mothug imot brød, og sjæli hans mot lostemat.
21 Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.
Hans misser holdet, vert usjåleg, og beini morknar, syner ikkje,
22 Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.
og sjæli ned mot gravi lutar, hans liv mot daude-englarne.
23 “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,
Er det då yver han ein engel, ein millommann, ein utav tusund, som lærer mannen um hans plikt,
24 kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’
Han ynkast yver han og segjer: «Frels honom frå i grav å ganga! Eg hev ei løysepening funne.»
25 ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.
Hans likam skal av helsa bløma, sin ungdom skal han atter få.
26 Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari.
Han bed til Gud og nåde fær, so han hans åsyn ser med jubel. Og so fær mannen att si rettferd.
27 Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera.
Han syng for folk og segjer so: «Eg synda hev og krenkt det rette, men hev’kje fenge lika for det;
28 Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’
mi sjæl frå gravi berga han, med gleda fær eg ljoset sjå.»
29 “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,
Og sjå: alt dette gjerer Gud tvo gonger, ja tri gong’ mot mannen,
30 kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.
og ber hans sjæl frå gravi burt, so livsens ljos kann lysa for han.
31 “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.
So gjev no gaum og høyr meg, Job, ver tagall du, so eg kann tala!
32 Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.
Um du hev ord, so gjev meg svar! Tala, eg gjev deg gjerne rett.
33 Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”
I anna fall so høyr på meg, teg medan eg deg visdom lærer!»